‘Anodiridza muriwo wangu neweti’

VAKADZI vaviri vekuEpworh vakaendesana kumatare edzimhosva vachirwira munda apo mumwe anonzi anodira weti netsvina yevanhu mubindu remuriwo wemumwe nekuda kweshaisano.Elizabeth Mukuwa akamhan’arira Peace Chakanetsa kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekudira weti netsvina yevanhu mumuriwo wake waakarima.

“Mukadzi uyu anondiudza mashoko akaoma, zvaanotaura zvinondiremera nekuti ini handina kana nguva yekunetsana naye. Asi iye anouya kumba kwangu achindituka achiti ndiri murwere, ndakamirira kufa manje-manje,” akadaro Mukuwa.

Akati Chakanetsa anoudza vana vake kuti vanorwara saamai vavo uye vakamirirawo kufa. “Ini handirwari, handizivi kuti ndiye anoda kundipa hurwere here? Akadira chemba yose yakazara weti mumuriwo wangu ndokuisa tsvina yemunhu achiti anoda kuuomesa,” akadaro Makuwa.

Anoti ashaiswa rugare nekuda kwemaitiro aChakanetsa. “Anonditsoropodza nekundituka nezvandiri achinditi maziman’a. Handizivi chandakamutadzira nekuti kugara nekugara ndini ndaisingorima munda iwoyo asi nhasi uno ndipo paave kundisimudzira mhepo,” akadaro Makuwa.

Chakanetsa akati haapikisane nechikumbiro chaMukuwa kunyangwe zvazvo aitaura manyepo mudare.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Mukuwa gwaro rerunyararo.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *