‘Vakwegura ngavarege kutera’

MUMWE kanzura wekumaruwa ekwaSeke, kuManyame, ari kushingairira kuti vakwegura vemudunhu iri varege kubhadhara mitero senzira yekuvaremekedza, vazhinji vacho vanonzi havachakwanisa kuzviriritira.Kanzura Masimba Rubatika vekuMandedza Ward 2, kuDema, vakataura mashoko aya pamusangano wavakaita nguva pfupi yadarika mubhuku raRubatika uyo wakapindwa nemasabhuku nevagari vemunharaunda.

“Handione zviine rukudzo neruremekedzo kuti vanasekuru vedu nanagogo nemadzibaba edu vapote vachibhadhara mitero nekuda kwemakore avo aenda. Kana zera ravo pasi pemutemo vachinzi vanenge vasvika panguva yemudyandigere, ngatiitei kuti vasave nemitero yavanobhadhara muno,” vanodaro.

Vanoti vazhinji vevakwegura ava havana kwavanowana mari sezvo vachiriritirwa nevana kana nevazukuru vavo. “Zvingaite here kuti mari yatinenge tavapa isu sevana voikamura zvakare vachiendesa kumitero?” vanodaro kanzura Rubatika.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *