Anodya chingwa vana vakayeva

Gamuchirai Muzanenhamu —
SAMUSHA vekuendesa mudzimai wavo kudare vachiti ari kuvashungurudza vakashaya pekupinda apo murume uyu akanzi haatengere vana zvipfeko zvemukati asi kuti anoita zvekuvakuurira uye anodya chingwa nemazai oga vana vakatarisa.

Masauso Kakowa akamhan’arira Tsitsi Kakowa kuHarare Civil Court achiti anouya kubasa kwake achimutuka pamwe nekumupopotera kana achinge abva kubhawa achimuti ari kupedzera mari kushamwarikadzi dzake.

“Mudzimai uyu anditambudza, anonditevera kubasa otanga kupopota pamberi pavanhu.

“Kana ndikati ndiende kubhawa, pandinodzoka anotanga kupopota achiti ndiri kupedzera mari kushamwarisikana dzangu zvekuti ndava kutotya kubva pamba,” anodaro Masauso.

Anoenderera mberi achiti rimwe zuva Tsitsi akasvika pakumurova nechitofu cheparafini nekumuruma chigunwe.

“Akatombondirova neparaffin stove nekuda kwenyaya yemari, zvakare akandiruma chigunwe zvekuti ndava kutotyira upenyu hwangu,” anodaro Masuso.

Achipawo divi rake, Tsitsi anoramba zvose zviri kutaurwa naMasauso achiti ari kurwadziwa nekuti akamuendesa kudare remendenenzi akanzi abhadhare $120 yevana yechikoro nekutenga chikafu kunyangwe zvazvo vachigara vose nekudaro iye haana kuzvifarira.

“Zvaari kutaura ndezvekunyepa, ari kungotsvaga nyaya sezvo ndakamuendesa kudare nekuti aisabhadharira vana mari yechikoro uko akanzi abvise $120 uye atenge zvekudya asi haasi kutenga zvekuti nyama tinogona kuita masvondo maviri tisina kuidya,” anodaro Tsitsi.

Anoenderera mberi achiti, “Anotenga chingwa nemazai matatu odya vana vakatarisa. Ndikamuti vana vakomana havasisina zvipfeko zvemukati, anotora zvake ovapa iye onotenga zvimwe. Ndizvo zvinondipa kuzobvunza mari nekuti ndinenge ndava kuona kuti zvakanyanya,” anodaro Tsitsi.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Masauso gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *