‘Anondisvipira mate kumeso’

Tafadzwa Mutsotso

MADZIMAI maviri ekuEpworth akamisidzana mudare reHarare Civil Court vachipomerana mhosva yekushungurudzana nenyaya yekutorerana murume apo mumwe anoti anogara achisvipirwa mate kumeso pamwe nekutukwa zvinyadzi.

Mutsai Arimando akamhan’arira Memory Makaura, uyo aimbova mukadzi wemurume wake, achiti ari kumushayisa zororo muwanano yake itsva.

“Mukadzi uyu akarambana nemurume wangu kare. Manje handizive kuti kundituka kwaanoita ndiko kungaite kuti ndirambane nemurume wangu here. Ndinoda kumuudza kuti asiyane neupenyu hwangu atange hwake, zvakatopera chero zvazvo ari kunzwa kuti murume achiri kumuda. Ngaataure nyaya yake nemurume kwete neni,” akadaro.

Arimando akati Makura akazvirambisa oga nemurume mushure mekunge aiita zvezvikomba.

“Nguva dzose paanondiona anondisvipira mate kumeso. Anoita izvozvo asi ini ndini ndiri kugara nevana vake. Anondiudza kuti anoda kundigadzira.

“Ini haafaniri kutombonetsana neni nekuti murume akandidawo akandiroora semaroorerwo avanga vakaitwa saka mhosva yangu ndeyei? Iye aiitirei zvechikomba kana anga achada zveimba? Ngaasiyane neni akairamba ega imba iyi,” akadaro Arimando.

Makaura akapikisa mashoko aArimando achiti haasi kunetsana naye nenyaya yemurume asi kuti ari kushandisa midziyo yake pamwe nekurara pamubhedha wake.

“Mainini ndinonetsana navo nekuda kwechinhu chimwe chete, chekuti pamba pavari kugara ndepangu, ndini ndakapavaka. Izvezvi midziyo yavanoshandisa kubva kupoto kusvika kuchipunu ndeyangu. Chero nepamubhedha pavanorara chaipo ndepangu,” akadaro Makaura.

Akati anongoda chete kuti Arimando asiyane nekushandisa midziyo yake nekugara imba yaakavaka iye achitambura nekushaya pekugara.

“Ini handina kumbovarambidza kuti vagare nemurume wavo asi handisi kuwirirana nezvavari kuita. Ngavabve pamba pangu uye varege kushandisa midziyo yangu nekuti ini ndiri kutotambudzika pekugara munhu achigara mumba mangu nekushandisa midziyo yangu? Mvura chaiyo havadi kuti ndichere pamugodhi wandakacheresa inini!” akadaro Makaura.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Arimando Gwaro rerunyararo ndokuti Makaura anokwanisa kuenda kumatare anoona nezvekubviswa kwevanhu pamba kana achida kudzinga Arimando pamba pake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *