‘Anondituka nezvehiv’

Tatenda Shuro
MURUME wekuMbare, muHarare, akachema-chema mudare achiti mudzimai wake anomutuka pajekerere pamusoro pekurarama kwaari kuita neutachiona hweHIV.

Alouis Karigo akamhan’arira mudzimai wake Rhoda Machingauta kuHarare Civil Court.

“Ishe wangu, uyu mudzimai wangu tichiri tose. Asi ndinoda gwaro redziviriro uye kuti vadzingwe pamba nokuti mashoko avanondituka nawo anondidzimba samare.

“Nekuda kwekuti tinorarama neutachiona hweHIV neAIDS, tinofanira kuzvizivira toga asi anotondituka nekuda kwechirwere ichi pajekerere nepamberi pevana zvekuti kana kudzidza kwavo kwatoderera,” anodaro Karigo.

“Amai ava vandishungurudza. Ndakatombovapa gupuro vakazondifonera ndiri kubasa vachiti havana mari yekubhadhara pavaigara neyechikafu ndikazovanzwira tsitsi ndokudzoka kumba mushure mekunge tamboenda kumunhu akatiyananisa.”

Achipawo divi rake, Machingauta anoti: “Handipokane nechikumbiro chavo, kuvatuka zvinyadzi nekuvashungurudza ndaizviita asi handichada kuzviita zvakare.”

Anoti aituka murume wake nekuti aimuvanza kuti anorarama neutachiona hweHIV.

“Vanorarama neHIV neAIDS, ndakazvibata mushure mokuviga-kuviga mishonga yavainwa kuti ndisazvizive vachindimanikidz bonde. Ndopandakatanga kuvatuka.

“Zvakandirwadza chaizvo ndokuzoenda kunoyananiswa namufundisi ndikabvuma zvavaive vari asi vaizondituka mushure vachinditi ndiri pfambi,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Karigo gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *