‘Anonditukirira achiti ndine mukondombera’

Amager Mufema
MUKADZI wekuti anogara achitukwa neaimbove murume wake pajekerere achinzi ane chirwere chemukondombera akazokwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva.

Linda Muteedzi akaendesa Tendai Madzingaidze kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.

“Ndatambura nemurume uyu, anongouya kumba kwevabereki vangu paadira achinditukirira achiti ndiri pfambi uye ndine chirwere. Anonditukirira kunyangwe tikasangana mumugwagwa muzere vanhu achiti ndine zvikomba asi isu takasiyana makore 13 adarika.

“Zvakare murume uyu haasi kubhadharira mwana wake chikoro, chaanogona kuuya kumba kwevabereki vangu nekutituka, ini nasisi vangu,” akadaro.

Madzingaidze akaudza dare kuti Muteedzi ainyepera dare.

“Handina dambudziko kuti mukadzi uyu apihwe gwaro redziviriro asi zvekuti ndinomutuka ndinopokana nazvo. Handimutuke asi kuti ndakaudzwa nabamukuru kuti akaenda kuHarare (Central) Hospital kunotorwa ropa akabatwa chirwere cheHIV (Aids),” akadaro.

Akaramba zvakare nyaya yekuti haasi kuchengeta mwana wake.

“Mwana ndakabhadhara fizi $50 uyezve kwandinoshanda ndikapihwa chikafu ndichivapa. Ndinotoshamisika kuti mukadzi uyu ari kutaura pamberi pedare achiti handisi kuriritira mwana,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa gwaro redziviriro kuna Muteedzi akati vaviri ava vanofanira kutaurirana zvisina mhirizhonga.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×