Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa

MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.

Akamiswa mudare reMutare Magistrates’ Court pamberi pemutongi Phathekile Msipa uye muchichisi ari Last Goredema.

Dare rakaziviswa kuti nyaya iyi yakaitika mumwedzi waNdira gore rino apo mumhan’ari akasangana nemusungwa anova muvakidzani wake panguva iyo aifamba netsoka mukanzira kekudimbudzira achibva amudhonza ruoko ndokuenda nake musango umo akanomubata chibharo.

“Mushure mekubata mwana uyu chibharo, musungwa akabva amupa paketi yemazepe (zapnax) senzira yekumutsindidza kuti asafumure nyaya iyi kune veruzhinji uye akamutyisidzira kuti kana akataurira vanhu aizomukuvadza,” vanodaro VaGoredema.

Mumwedzi mumwe chete uyu, musungwa anonzi akabata mwana uyu chibharo zvakare.

“Mwana uyu akanga ari munzira kuenda kumunda apo musungwa akamubata ruoko ndokumudhonzera mumunda umo akanomubata chibharo uye akadzokorora zvakare mashoko ekumutyisidzira ekuti aizomukuvadza zvikuru kana achinge afumura gure iri,” vanodaro VaGoredema.

Zvisinei, nyaya iyi yakazobuda pachena mushure mekunge amai vemwana uyu vaona kuti ainge asisiri kushandisa midziyo yake yepanguva yekutevera izvo zvakaita kuti vamubvunzurudze chikonzero panova paakafumura zvese. Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *