‘Anonogara nevana mulodge’

Tafadzwa Mutsotso
MUKADZI wekuenda kudare achida kupihwa mvumo yekugara nevana vake, akazoshaya pekupinda apo murume wake akati mudzimai uyu akambotiza ndokuenda kuUnited Kingdom uko akazodzoka akatora vana ava vasina kuwirirana achinogara navo kuloji (lodge) achisasana. Caroline Masvanga akaendesa murume wake Kudzai Masvanga kuHarare Civil Court.

“Murume wangu takasiyana pava nechinguva uye kubva zvatakasiyana, ndiye anga achigara nevana ini ndiri kuUK. Ndakadzoka kubva kuUK muna 2014 asi haana kundipawo vana ndikatozoita vekunotora kuchikoro kuti ndivaone achindirambidza kusangana navo,” akadaro.

Carloine akati mutemo unoti kana vabereki varambana, vana vanofanira kugara naamai vavo kusvikira vave nemakore 18 okuberekwa.

“Vana havasi vemunhu mumwe chete, ndinodawo kugara nevana ndichivanzwisisa zvavanoda saamai vavo,” akadaro Caroline.

Kudzai akaudza dare kuti hazviite kuti Caroline agare nevana nekuti ane hunhu hwakaipa.

“Mukadzi uyu kuda kwaari kuita vana harusi rudo asi kuti anoda kutokanganisa vana. Kana amai vake vanondipupurira kuti haasi munhu kwaye wekuti apihwe mvumo yekugara nevana.

“Paari kuti akadzoka kubva kuUK muna 2014 manyepo nekuti iye akangosvikobvisa vana pachikoro achibva aenda navo kuChitungwiza isu tikabadarika kutsvaga vana ivavo kusvika tazovawana.

“Akasiya akanganisa vana kuchikoro achibva adzokera kuUK. Mukadzi uyu haakwanisa kugara nevana ava,” akadaro.

Akati gore rino, Caroline paakadzoka kubva kuUnited Kingdom muna Chikunguru, akatora vana zvakare kuchikoro vasina kuwirirana akanogara navo kumaloji.

“Mukomana muhombe ndiye akazoba foni yake akandifonera achindiudza pavaive ndikanovatora ipapo,” akadaro Kudzai.

“Mambo wangu, chero mukashevedza vana kuti muvabvunze, vanokuudzai kuti havadi zvachose kugara naamai vavo.

“Akambonetsana naamai vake zvinova zvakazokonzeresa kuti vana vadzingwe naambuya vavo nekuda kwekuti vainge vatsamwa. Haana rudo uyu, anoda kungokanganisa upenyu hwevana.”

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vadzoke kudare apo vanofanira kuuya nevana vavo kuitira kuti vapewo umboo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *