anopindira amai vari musvo, vachigeza

Amager Mufema
MWANAKOMANA wekushaya hunhu, uyo anopindira amai vake muimba yekugezera vari musvo obva atanga kuvatukirira, akamiswa pamberi pedare redzimhosva.

Angela Simbi akamhan’arira Alfred Simbi kuHarare Civil Court ndokuudza mutongi wedare iri Gamuchirai Siwardi kuti: “Mambo wangu, ndauyawo kuno ndichitsvaga gwaro redziviriro nekuda kwemwanakomana wangu wandakabereka ari apa uyu. Handizive kuti apindwa nemweya upi mukuita zvaari kundiitira kumba kwandigere naye.

“Anondipindira muimba yekugezera ndakashama. Pandinenge ndichigeza anouya ovhura gonhi oti, ‘Amai budai titaurirane iko zvino nenhau yemwana, mari yemwana iri kupi ndave kuda kunomubhadharira mari yechikoro?’.

Zvino ndatozoona kuti ndikauya kuno pamwe angaregedze tsika yake iyi.”

Akaenderera mberi achiti mwanakomana wake ane tsika yekugara achimutukirira.

“Pamusoro pekupindirwa ndakashama ndichigeza, ndinotukwa zvisina kana mukare akamboona. Ndinotukwa ndichinzi imbwa, muroyi , pfambi. Izvi zvinondibata nekunditambudza mumoyo mangu, kuti mwana wandakazvara ndiye angandiite zvakadai chokwadi?”

Alfred haana kupokana nezvakataurwa naamai vake uye akavakumbira ruregerero pamberi pedare.

“Handipokane nechikumbiro chaamai vangu chekuti vadzivirirwe. Asi ndinotokumbirawo ruregerero kudare nekuna amai vangu ndichiti ndiregerereiwo amai ndakatadza ndisingazive,” akadaro Alfred.

Mutongi Siwardi akapa Angela gwaro redziviriro ndokuti Alfred anofanira kuremekedza amai vake.

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×