Anorova mukadzi, omunwisa mushonga

Nyasha Bvudzijena

MUMWE mudzimai anoti murume wake pose paanomurova anomumanikidza kuti anwe mushonga wekunamisa mapaipi (pipe bond) achida kumuuraya.

Glady Majesa akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Previous Madondo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Majesa gwaro rinomudzivirira ndokukohomedza Madondo kuti asiyane netsika yake iyi achiti mushonga waanonzi ari kumanikidza mudzimai wake kuti anwe unokanganisa utano zvikuru.

“Murume wangu anondishungurudza nekundirova uye kuda kundidzinga pamba patiri kuchengeta izvo zvasaka kuti ndiuye kudare uye ane tsika yekundinwisa mushonga unokuvadza akandidzipa pahuro achindimanikidza,” anodaro Majesa.

Anoti ava kutyira utano hwake kuti hunozokanganisika sezvo izvi zvava nenguva zvichiitika.

Madondo anoramba zvose zviri kutaurwa achiti mudzimai wake munhu anotaurisa uye ane manyepo .

“Mukadzi uyu ane pamuromo pasingamharwe nenhunzi, saka kunetsana kwedu hakumboperi. Mazuva mashoma apfuura akatora nharembozha yangu nechisimba tikapedzisira tarwa achiramba nayo,” anodaro Madondo.

Anoti haana kumbobvira anwisa mudzimai wake mushonga wekunamisa mapaipi.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *