Ngwarirai pakugadzirwa misoro: CCZ

Daphne Machiri

SANGANO rinomiririra kodzero dzevatengi, reConsumer Council of Zimbabwe (CCZ), riri kuyambira vanhu vanogadzirwa misoro kuti vangwarire kubvira pakutenga zvavanorukwa nazvo, mafuta acho uye nzvimbo dzavanorukirwa sezvo zvimwe zvacho zviine njodzi huru kuutano hwavo.

Kurudziro iyi yakapihwa naMuzvare Rosemary Siyachitema, avo vanova CCZ executive director, vachiti kune vamwe vanhu – kunyanya vanhukadzi – avo vari kusvika pakukanganisika utano hwavo nenyaya dzekuda micheno yemumisoro.

Vanoti vanhukadzi apo vanogadzirwa misoro, vamwe vanosangana nedambudziko rekutsva kweganda, kuita maronda uye kubuda mapundu nekuda kwemishonga inenge ichishandiswa.

“Aya matambudziko anowanikwa neavo vanenge vashandisa zvakaita semafuta ekuzora nemishonga inoshandiswa kugadzira vhudzi. Naizvozvo tinokurudzira kuti vanoshandisa izvi vave nehungwaru mukutenga uye vatarise zvakaita semazita ezvigadzirwa.

“Chimwe chakakosha zvakare kutarisa musi unopera kushanda kwezvakaita semishonga yekugadzira vhudzi,” vanodaro.

Muzvare Siyachitema vanoti zvakakosha kuti vanenge vachida kugadzirwa misoro vaende kune vakadzidzira basa iri kwete mumikoto nechinangwa chekuchengetedza utano hwavo.

Zvichakadai, imwe nyanzvi munyaya dzeutano, Dr Solomon Guramatunhu, nguva pfupi yadarika vakakurudzirawo vanhukadzi kuti vasarukwe wivhi (weave) mumisoro yavo vachiti rimwe revhudzi rewivhi rinenge ragerwa kubva mumisoro yevanhu vakafa kunyika dzekunze.

Dr Guramatunhu vanoti wivhi iyi inenge iine makonye anozokonzera kuti vanhukadzi vanenge varukwa nayo vagare vachirova-rova misoro yavo kana kukwenya sezvo vanenge vachivaviwa uye izvi zvine njodzi huru kuutano hwavo.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×