Anosiya akiira mudzimai mumba

Ashley Muchamiri
MUDZIMAI wemuHarare akaendesa aimbova murume wake kudare redzimhosva achiti ari kumushungurudza zvekuti aimbosiya amukiira mumba kwemazuva akawanda izvo zvaiita kuti asvike pakuitira tsvina imomo.

Rudo Makwara akamhan’arira Tonderai Chadamoyo kuHarare Civil Court.

“Ndinorwadziwa zvikuru nezvinoitwa neaimbova murume wangu. Handichadi nezvemurume uyu nekuti aindirova, osiya andikiira mumba kwemazuva ndichisvika pakuitira tsvina imomo,” anodaro.

Anoti zvakare Chadamoyo ane katsika kekumubata-bata magadziko pamberi pevamwe vaanoshanda navo izvo zvinomubvisa chimiro.

“Ndava kutoshaya pekutarisa nekuti murume uyu anondibata-bata magadziko pamberi pevamwe vandinoshanda navo,” anodaro.

Anoti Chadamoyo anogara achimurova uye akamumhan’arira kakawanda kumapurisa asi nyaya dzacho hadzina kumbobvira dzapinda mumatare edzimhosva.

“Ndakamumhan’arira kakawanda kumapurisa asi pataienda kuti nyaya itongwe, taingonzi munozodzoka, nyaya yaisazopinda mudare zvakare,” anodaro Makwara. Chadamoyo anopokana nezvinotaurwa naMakwara achiti ane mutongo waakapihwa kudare wekuti anofanirwa kusvika paanenge achigara kuti aone mwana wavo.

“Ndinopokana nezvinotaurwa nemukadzi uyu nekuti mutongo wedare watakapihwa unonditendera kusvika panogara mukadzi uyu kuti ndione mwana wandakaita naye,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Makwara gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *