Anotandanisa amai nebanga

Yvonne Chidochashe Manyanja
MWANASIKANA wekunzi muSatanist anotandanisa amai vake nebanga achida kuvabaya nekugara achivarova, achinzi zvakare akambonwa mushonga wekubvisa mimba, akazoendeswa kumatare edzimhosva.

Stella Lindo akaendesa Rudo Lindo kuHarare Civil Court achiti aoneswa nhamo nekushungurudzwa.

“Changamire, ndinokumbirawo kudzivirirwa kubva kumwana uyu. Akanditandanisa nebanga ini amai vekumubereka. Dai aienda kuchechi pamwe aisunungurwa naMwari asi haadi, kunyangwe ndikaedza zvakadii.

“Nyaya yakatanga pandakati andibatsire kutenga chikafu chekudya mumba pamwe nekubhadhara mitero yemba nemagetsi. Saka handichakwanise kugara naye kunyangwe ari mwana wangu wandakarwadzirwa mwedzi minomwe. Handichamudi pamba pangu, kana parufu pangu asasvika zvake,” akadaro Stella.

Stella akaenderera mberi achiti Rudo akambonwa mushonga wekubvisa mimba iyo aiva nayo.

“Handisati ndakamboona munhu asina moyo netsitsi zvekusvika pakuuraya mwana ari mudumbu asina kana chipomherwa. Munhu akadaro ndingagare naye ndikararama here kana kuti kutoisa upenyu hwangu panguva yakaoma? Saka asasvika kunyangwe panoitwa mhemberero nekuti anogona kungoshereketera vanhu vanenge varipo.”

Rudo akapikisana nezvainge zvataurwa naamai vake achiti vakamuvenga uye vanofamba vachiudza vanhu kuti muSatanist.

“Nyaya yakatanga mushure mekunge musikana wataigara naye pamwe naamai vangu vakaenda kun’anga akadzoka achiudza amai kuti ndiri muSatanist. Amai vakandivenga vachiti vave kutya kuisirwa ropa mumvura yemuteuro.

“Vakaenderera mberi vachiti ndairara nababa vangu nekuti ndaivafarira kudarika ivo. Pandakavabvakachira vakati musoro wavo wainge wotema pamusaka pekuti ndainge ndasvika,” akadaro Rudo.

Stella akamugamha achiti: “Mwana iwe unomboziva kuti ndiri mutorwa here uye hondo yamakatanga nekuti murume wangu ainge akafa munozoigona here?”

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Stella gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×