Arsenal yotaurirana na Theo Walcott

ARSENAL yakatanga hurukuro naTheo Walcott yekuwedzera kondirakiti yechizvarwa chekuEngland ichi. Kondirakiti yemutambi uyu, uyo ane makore 25 ekuberekwa, inotarisirwa kupera mugore ra2016 uye akatanga kutamba nhabvu svondo radarika mushure mekupedza mwedzi 10 akakuvara gumbo rake.

“Tave kutanga kugara pasi naye kuti tiite hurukuro,” akadaro maneja wemaGunners Arsene Wenger.

“Ndofunga anenge asarirwa negore rimwe chete riri pakondirakiti yake kana tasvika muna Zvita uye hazvisi nyore naye, munozviziva”.

Walcott akatamba mutambo wake wekutanga svondo radarika apo chikwata chake chakakunda 3-0 kubva paakakuvara gumbo rake mumutambo weFA Cup apo vakakunda Tottenham muna Ndira.

Chizvarwa chekuEngland ichi chakatengwa neArsenal mugore ra2006 achibva kuSouthampton uye akwanisa kunwisa ka45 mumitambo 195.

“Kuti achatamba nhabvu inodakadza here mumakore anotevera? Ndokufunga kudaro,” akawedzera Wenger.

“Ave nemakore 25. Ndomakore atinoziva kuti tichabatsirika zvikuru kubva kwaari.” — BBC Sport News

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×