Nzira dzechizvino-zvino dzekudzidzisa

CHIKORO chitsva chiri kuBorrowdale, muHarare, chiri kuvandudza nzira dzekudzidzisa nadzo vana kuburikidza nekushandisa materevhizheni ayo anoratidza zvidzidzo zvakasiyana.

Chikoro che Rishworth House, icho chiri panhamba 4 mumugwagwa Toledo Close munzvimbo inogara shoroma iyi, ndicho chiri kushandisa mhando iyi mukudzidzisa vana.

VaZvidzayi Utsiwegota, vanova mutauriri wechikoro ichi, vanoti:

“Nyaya yekushandisa machoko nemablackboards haipo pachikoro pedu, tichashandisa maprojectors apo zvidzidzo zvinobuda ipapo.

Tine dzimba dzekudzidzira dzinokwana 18 pamwe chete,” vakadaro.

Imba yoga-yoga yekudzidzira ichange iine projector apo vana vechikoro vanoitiswa zvidzidzo zvakasiyana.

“Nzira yekudzidzisa nayo iyi inoita kuti basa revadzidzisi rive nyore, tine zvimwe zvakawanda zvemhando yepamusoro izvo tiri kugadzirisa pachikoro chedu.”

Chikoro ichi chinotangira paZero Grade kusvika Grade 7.

Zvakadai, nemusi waMbudzi 8 vabereki nevamwewo vanoda kuona mamiriro echikoro ichi vanenge vaine mukana wekuchimema.

Vanoti nyaya yekuti pachikoro apa pave nebhodhingi pamwe nezvidzidzo zvesekondari icharongwa nekufamba kwenguva.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×