Arsenal yotungamira kutenga Havertz

ARSENAL ndiyo iri kutungamira pakuda kutenga mutambi wekuGerman wechidiki  – Kai Havertz – kubva kuchikwata chake chaakakurira cheBayer Leverkusen.

Kunyangwe hazvo zviri kuzivikanwa kuti mutambi uyu ari kudiwa zvakare neLiverpool neSouthampton, bepanhau reThe Sun rinoti maGunners ndiwo ari kutungamira pakuvhima Havertz.

Vaongorori vevatambi vekuArsenal vakatumidzirwa kunotarisa mutambi uyu paaitambira Germany Under-19 apo yakakundwa 5-2 neNorway nguva ichangodarika.

Havertz mutsigiri mukuru weLeverskusen uye akaenda kuchikwata ichi aine makore 11 ekuberekwa ndokukurira muzvikwata zvevadiki kusvika apinda mune chevakuru.

Akazove mutambi mudiki kutanga kutamba mumutambo weBundesliga apo aive nemakore 17 okuberekwa ndokupedza mwaka anwisa kana uye abatsira vamwe kunwisa kashanu pamitambo 15.

Kunyangwe hazvo achiri mudiki pamakore, mutambi uyu atove nechinzvimbo chake muchikwata cheLeverkusen izvo zvaita kuti aongororwe nezvikwata zvakawanda zvemuEurope.

Arsenal inogona kutenga mutambi uyu sezvo achifarira Mesut Ozil uyo anotambira maGunners.

Akamboudza vatori venhau paakabvunzwa nezvekufananidzwa naOzil iye ndokuti, “Ndinotarisira zvikuru kunaMesut Ozil.

“Anotamba nhabvu zvandinoda, zvakadzikama, haana zvinomunetsa. Ndinoda chaizvo kuona mitambo yake yakanyanya inondinakidza.” – SportsMail Football.

 

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×