Arsenal yotyira Sanchez

PEP Guardiola anoramba kuti Manchester City yakafonera Alexis Sanchez ichimuudza kuti inoda kumutenga.

Mashoko ari kubva kuChile anoti Guardiola iye mbune akafonera mutambi weArsenal uyu svondo radarika.

Izvi zvinotevera matambiro anonwisa mvura akaita Sanchez apo akanwisa katatu (hat-trick) mumutambo wechikwata chake neWest Ham asi maneja weCity anoramba mashoko ekuti vaviri ava vakakurukura.

“Manyepo chaiwo. Mutori wenhau iyeye anonyepa,” Guardiola akadaro.

“Alexis Sanchez izvezvi anopinda muchikwata chero achitamba pasi rose. Mutori wenhau iyeye anonyepa”.

Sanchez, uyo kondirakiti yake kuEmirates inopera mugore ra2018, haasati asaina imwe itsva uye ari kutarisira kuwedzerwa mari yakawanda nechikwata ichi.

Vatsigiri veArsenal vave kutya kuti mutambi wavo uyu, uyo ari kutamba nhabvu inodakadza mwaka uno, anogona kubva kuchikwata ichi.

Sanchez parizvino akwanisa kunwisa ka40 mumitambo 75 yePremier League yaatamba zvichitevera kuuya kwaakaita kumaGunners achibva kuBarcelona uye Rio Ferdinand anofunga kuti maGunners haatambe zvinogutsa kana asipo.

“Kana mutambi uyu asipo, Arsenal inenge yakatosiyana, inenge isina morari kana moto waanounza muchikwata ichi,” Ferdinand akadaro.

“Anodadisa zvikuru. Kana akauya achiti anoda kutambiriswa mari yakawanda kuchikwata ichi, ngavateerere izvozvo ngavasamupikise. Hapawanikwe mumwe akaita saye.

“Angarambe ariko? Mubvunzo iwoyo, zvinoenderana nezvaanenge achida iye. Akaenda kuBarcelona asi hazvina kunyatsomufambira ikoko. Asi kuno ndiye ari panyanga, ndiye ane yose zvose zvinouya nepaari. Ndiye ari kutungamira chikwata.” – Daily Mail Football.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *