‘Siyai zvekuitisa maextra lessons’
HURUMENDE inoti iri kushushikana nezviri kuitwa nemamwe maticha ayo ari kuitisa vana vechikoro zvidzidzo zvema”extra lessons” zvisiri pamutemo izvo zvinovaisa panyatwa yechirwere cheCovid-19.
Coronavirus: Idi nemanyepo
HAKUNA chikonzero chekuti vanhu vabvume kuti kutonhora kwakanyanya kana mamwe mamiriro ekunze angauraya utachiona hweCovid-19.
Votakura vanhu husiku
MUMIRIRI weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vanoyambira vedzimotokari kusanganisira marori nemagonyeti avo vanonzi vari kutakura vanhu husiku mudunhu ravo vachivaendesa sekuHarare nekwaMutare kuti vasiyane netsika iyi panguva iyo nyika yakatarisana nechirwere cheCovid-19.
Votsigira mabasa eutano
SANGANO reEuropean Union (EU) neSweden vari kuita mabasa ekutsigira nyaya dzeutano muZimbabwe kuburikidza nekusimbaradza homwe yeHealth Development Fund (HDF) panguva iyo nyika ino iri kurwisa kupararira kweCovid-19.
Mapurisa asunga vanhu 67 000
Munyori weKwayedza MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vasunga vanhu 67 419 mumwedzi miviri nechidimbu yadarika nemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nekuti veruzhinji vambogara kudzimba (lockdown) senzira yekumisa kupararira kwechirwere…
Vopinda nekubuda muZim pamadiro
MAMBO Chiswiti vekuMt Darwin, kudunhu reMashonaland Central, vanoti vari kushushikana zvikuru nekuda kwevanhu vari kubuda nekupinda muZimbabwe zvisiri pamutemo vachinohodha zvinhu zvekutengesa kuMozambique sezvo izvi zviine njodzi yekuparadzira chirwere cheCovid-19.
Kuchengeta mask zvine utsanana
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinokurudzira veruzhinji kuti kana vachida kuzodzokorodza kupfeka masiki yejira iyo inenge yakachena, vanofanirwa kuichengetera pakachena semubepa repurasitiki rinonyatsovharika.
Zim yochema kuna Mwari
Tandayi Motsi PRESIDENT Mnangagwa nezuro vakatungamira munamato nekutsana kwenyika yose muchirongwa chekukumbira kuna Mwari kuti vapindire mukupa mazano ane hungwaru ekupedza chirwere cheCovid-19. Covid-19 chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus…
Varwere 62 vapona Covid-19
Tandayi Motsi HURUMENDE inoti kunyangwe zvazvo huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa vachiwanikwa vaine Covid-19 huri kukwira, mamiriro ezvinhu anoratidza kudzikama uye chiri kunyanya kudiwa pari zvino kusimbaradza nzira dzekudzivirira kupararira kwechirwere…
CBZ yobatsira neamburenzi
GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, svondo rapera vakagashidza rubatsiro rweamburenzi kuHarare Metropolitan Province iyo yakabva kubhanga reCBZ Holdings nechinangwa chekuti ibatsire mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, pakati pezvimwe.









