Muchaneta Chimuka
SANGANO reEuropean Union (EU) neSweden vari kuita mabasa ekutsigira nyaya dzeutano muZimbabwe kuburikidza nekusimbaradza homwe yeHealth Development Fund (HDF) panguva iyo nyika ino iri kurwisa kupararira kweCovid-19.
Chirongwa cheHDF chakatanga mugore ra2011 nedonzvo rekusimudzira nyaya dzeutano muZimbabwe.
Sangano reEuropean Union rakapa mari inodarika US$41 miriyoni kuhomwe iyi Sweden ndokututsira neUS$2 miriyoni iyo ichashandiswa mugore ra2020.
Mari iyi ichashanda pamwe chete neinobva kune vamwe vatsigiri seDFID, Irish Aid neGlobal Vaccine Alliance (GAVI) mukutsigire zvirongwa zvinomwe zviri muchikamu cheHDF.
Zvirongwa izvi zvinosanganisira zvekusununguka kwemadzimai, utano hwevana, utano hwepabonde nesikarudzi, kuwaniswa kwemishonga, kutsigira vashandi nezvirongwa zveutano nezvinodiwa mumabasa.
“Apo tiri kurwisa denda reCovid-19, zvakakoshawo kucherechedza utano hwemadzimai nevana nekuona kuti varapi vakachengetedzeka vari pabasa,” vanodaro mumiriri weSweden muZimbabwe, Ambassador Åsa Pehrson.
Vanoti kuwedzerwa kwakaitwa mari iyi panguva ino kwakakosha apo Zimbabwe yakatarisana nematambudziko anosanganisira kusagadzikana kweupfumi, nzara, kushomeka kwechikafu zvichitevera mafashamu eCyclone Idai emuna2019 nekuzouya kwechirwere cheCovid-19 icho chatekeshera pasi rose.
Imwe yemari iyi ichaendeswa kuHurumende kuti irwise kupararira kweCovid-19.
“Sangano reUNICEF tinotenda vatsigiri veEuropean Union, Sweden nevamwe veHealth Development Fund nerutsigiro rwavanopa Zimbabwe munguva yekuomerwa,” anodaro Laylee Moshiri uyo anova mumiririri weUNICEF muZimbabwe.
Rutsigiro urwu rwuri kuita kuti mabasa eutano avandudzwe.
Pakati pemakore 2014 na2019, ndufu dzemadzimai nevana panguva yekubara dzakaderera kubva pa614 kuenda pa462 pavana 100 000 vanobarwa vari vapenyu uye dzevana vanorasikirwa neupenyu vari pasi pemakore mashanu dzakadzikirawo kubva pa75 kuenda pa65 pavana 1 000 vanoberekwa vari vapenyu.




