Votakura vanhu husiku

Kingstone Mapupu

MUMIRIRI weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vanoyambira vedzimotokari kusanganisira marori nemagonyeti avo vanonzi vari kutakura vanhu husiku mudunhu ravo vachivaendesa sekuHarare nekwaMutare kuti vasiyane netsika iyi panguva iyo nyika yakatarisana nechirwere cheCovid-19.

Vanoti kune vatyairi vemarori vari kutakura vanhu husiku izvo zvinoisa utano hweruzhinji panjodzi.

“Ndinoti zviri kuitika izvi ngazvipere nekukasika nekuti vemutemo varipo kuvasunga,” vanodaro Cde Chinotimba.

Buhera iri pasi pedunhu reManicaland iro pari zvino rine vanhu 18 vabatwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa.

Cde Chinotimba vanoenderera mberi vachiti, “Vedzimotokari ava vanonzi vane vakomana vanofambisa shoko mumisha kuti vanofamba sei uye nguvai. Ivo vakomana vari kuitiswa izvi ndinovakurudzira kuti vasiyane nazvo nekuti denda reCovid-19 richaunzwa muno nekufamba kuri kuita vanhu uku.”

Insp Kakohwa

Mumakore akadarika, Cde Chinotimba vanoti vakamisa mabhazi aifamba husiku mudunhu ravo zvichitevera kurumwa kwaiitwa vamwe nemapere.

Vanoti vari kushanda nemapurisa mukuedza kupedza dambudziko revatyairi vemagonyeti vari kutakura vanhu husiku ava.

“Dunhu redu rakaganhurana neChipinge iyo iri kumuganhu weMozambique saka tave kutyira kuti Covid-19 ingangoparadzirwa,” vanodaro Cde Chinotimba.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa, vanoti vatyairi vedzimotokari vanotakura vanhu zvisiri pamutemo vari kupara mhosva.

“Inyaya isati yasvika kwatiri, asi tinovimbisa kutora matanho. Ivo vari kutakurwa vacho ngavazive kuti vane mhosva zvakare kana vasina matsamba ekufambisa,” vanodaro Insp Kakohwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×