Ayini iri kupisa padama reroja

Muchaneta Chimuka
BONGOZOZO rekurwira nzvimbo yekugezera mandiro pakati pemaroja ekuZengeza, kuChitungwiza, rakazokonzera kuti mumwe apiswe dama neayini ndokukuvara zvikuru.

Pauline Mugoni (30) wepanhamba 10833 Zengeza 4 akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts achipomerwa mhosva yekupisa Polite Maruve (30) neayini pamwe nekumurova.

Mutongi wedare iri, Winfilda Tiyatara, anoti Mugoni adzoke kudare nemusi wa28 Nyamavhuvhu apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Muchuchisi Norman Koropi anoudza dare kuti nemusi wa6 Chikumi gore rino munguva dzemangwanani, Maruve akange achipfuura nepaiva naMugoni apo akamuguma netsaona izvo zvakaita kuti pamuke bongozozo iri.

Maruve anonzi akabva apinda mumba make mushure mekupopoterwa uku.

Mugoni anonzi akabva amutevera mumba muye kwave kutangisa kumurova nembama muviri wose, mushure mezvo ndokutora ayini inopisa achibva aitsimbirira padama rake rekurudyi zvikaita kuti akuvare zvikuru.

Mugoni ari kubvuma mhosva yake asi achiti vakarwa.

“Mhosva iyi ndinoibvuma, asi kuti takarwa,” anodaro achiedza kuvhika mhosva.

Magwaro ekwachiremba akabudiswa mudare seumbowo achitsanangura hudzamhu hwekutsva kwaMaruve.

Muridzi wemba yavanogara, Rudo Sanu (62) akapawo huchapupu mudare.

“Ini ndakanga ndiri kuchirugwi chehuku apo ndakanzwa vaviri vachinetsana apo Mugoni aiti ainge asundwa naMaruve asi aiti anogona kudaro agumwa nemwana waainge akabereka ndiko kusaka asina kuzvinzwa. Maruve akabva apinda mumba make asi Mugoni akamutevera ndikangonzwa rwangova ruzha mumba imomo asi ini handina hangu kuzopindamo,” anodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *