NGUWANI YABABA VEPA’NEXT DOOR’ PASI PEMUBHEDHA

Danisa Masuku
MURUME wekuGokwe anonzi akashamiswa zvikuru apo adzoka pamusha pake mushure mekunge amboshanya kwemazuva matatu ndokusvikodhumana nekondomu rainge rakashandiswa pamwe chete nenguwani yemuvakidzani wake zviri pasi pemubhedha wake.

Murume uyu akangotora zvinhu izvi ndokuenda nazvo kumba kwemuvakidzani wake aine fungidziro yekuti anodanana nemudzimai wake.

Mumwe wevari kuziva nezvenyaya iyi – iyo inonzi yakaitika kubhuku raMandeya, kwaMambo Njelele – anoti Raphel Sibanda akaona kondomu rakashandiswa pamwe chete nenguwani yaTrynos Maropa, uyo anove muvakidzani wake, zviri pasi pemubhedha waanorara nemudzimai wake. Sibanda anonzi akabva abvunza mudzimai wake nezvekondomu rakashandiswa iri pamwe chete nenguwani iyi achida kuziva kuti zvaive zvaiswa nani pasi pemubhedha wavo.

“Sibanda akabvunza mudzimai wake nenyaya yekondomu rakashandiswa iri uye nenguwani izvo zvaive mumba mavo. Pakutanga, mudzimai wake akaramba kuti aive neruzivo nezvinhu izvi, asi mushure mekunge ati aizomudzinga pamba, akabva adura kuti nguwani ndeyaMaropa.

“Asi akati haazive kuti kondomu rakashandiswa iri raive raiswa nani pasi pemubhedha wavo,” anodaro nyakuziva nezvenyaya iyi.

Anoenderera mberi: “Sibanda akabva atora nguwani iya nekondomu rakashandiswa ndokuenda nazvo kumba kwaMaropa. Nekuda kwehasha, akasvikokanda nguwani iyi pachivanze chaMaropa ndokubva asungirira kondomu rakashandiswa riya pagedhi rechivanze chake achimupomera kuti akashereketa nemudzimai wake.”

Sibanda anotsinhira nyaya iyi.

“Ndakange ndisipo pamusha pangu kwemazuva matatu uye ndakazodzoka mudzimai wangu asingazvitarisire. Ndakashamisika zvikuru apo ndakaona kondomu raive rakashandiswa nenguwani yaMaropa zviri pasi pemubhedha wedu,” anodaro.

Sibanda anoti akavhundutsira mudzimai wake uyo akazotaura kuti nguwani iyi yaive yaMaropa.

“Ndakabvunza mudzimai wangu pamusoro pezvinhu izvi akati haazive kuti akaisa kondomu rakashandiswa pasi pemubhedha wedu ndiani. Pandakamuti ndaigona kumudzinga pamusha, ndipo paakabva ati nguwani ndeyaMaropa.

“Ini ndakazotora kondomu rakashandiswa nenguwani iya ndokuenda nazvo kumba kwaMaropa uko ndakanosungirira kondomu racho pagedhi rechivanze chake,” anodaro Sibanda.

Sabhuku Michael Mandeya vanotsinhira nyaya iyi vachiti, “Ndakanzwa nezvenyaya yaRaphael Sibanda uyo akadzoka kumba mudzimai wake asingazvifungire ndokusvikowana nguwani yaMaropa nekondomu rakashandiswa zviri pasi pemubhedha wavo. Apo akabvunza Maropa nekuda kwezvinhu izvi, haana kuramba kuti nguwani iyi ndeyake asi akati akange asina ruzivo rwekuti yakange yaiswa nani pasi pemubhedha uyu.

“Tichanzwa kuti toifambisa sei nyaya iyi kubva kuna Mambo Njelele.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMaropa.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *