B and P madadisa: Dokora

Mathew Masinge
HURUMENDE iri kurumbidza chikoro chakazvimirira cheB and P Study Center chiri kuChitungwiza — icho chine puraimari nesekondari — nebasa guru rachiri kuita mukusimudzira dzidzo munyika.

Svondo rapera chikoro ichi chakapembedza vadzidzi vacho vanodarika 200 vepuraimari nesekondari avo vakabudirira muzvidzidzo zvavo nekuvapa mibairo yakasiyana.

Mumashoko avo avakaverengerwa naPrincipal weSeke Teachers College, VaEphraim Mutubuki, pachiitiko ichi, gurukota redzidzo yepuraimairi nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vakarumbidza B and P nekusimudzira kwairi kuita dzidzo.

“Nhasi izuva guru kuvadzidzi vari pano avo vakaita zvakanaka pazvidzidzo zvavo. Ndinoda kutora nguva ino kutenda mukuru wechikoro chino nevose vavanoshanda navo. Kubvira chikoro chino chatanga, takwanisa kuwana vana vari kuenda kunoita zvidzidzo zvepamusoro zvakati kuti, vamwe ndivo vakazara paSeke Teachers College. Uyu mucherechedzo wekuti chikoro chino chiri kubatsira mukusimudzira dzidzo munharaunda ino,” vakadaro Dr Dokora. Vachitaurawo pamabiko aya, VaBigboy Gawa, avo vakavamba zvikoro izvi, vakati budiriro yeB and P yaunzwa nekushanda nesimba kwevadzidzi nevadzidzisi.

“SeB and P Study Center, hatitende kuti kune mwana dofo. Izvi zvinotangira patinotora vangava vana vegwaro rekutanga kana fomu yekutanga. Hatitore mashasha oga aiwa, tinototora nevasingagone nekuti tinoziva kuti vanobva pano vava shasha dzemandorokwati.

“Vadzidzi vedu vanobvuma kubikika uyewo vadzidzisi vedu vanoziva kushandura vana ivava kuvaita vanhu vanoda zvechikoro,” akadaro.

Vanoti chikoro chavo chine hurongwa hwekuti vadzidzi vafundiswe zvidzidzo zvemabasa emawoko. “Nekuda kwekuti vana vedu vari kuwedzera zuva nezuva, uyewo nemamiriro aita zvinhu munyika, tichange tava kuunza zvidzidzo zvemabasa emawoko zvakaita seHome Economics, Fashion and Fabrics, Woodwork, Metal Work neTechnical Graphics kuitira kuti vana vedu vafambidzane nezvaveko kune zvimwe zvikoro,” vakadaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×