Baba vakakoshiwa mwana

Justice-Law
Hardway Nyakuwarwa

MUKADZI wekuti akatiza murume nekuda kwenzara yekushaya zvose akazoenda kumatare achida kuti murume uyu achengete mwana wavo.
Tecla Mudiwa akaendesa Abel Chirarawire kuHarare Civil Court achiti haasi kuchengeta mwana wavakaita vose. “Ini kuti nditize murume uyu ndakanga ndaona kuti hapana chaari kundibatsira nacho. Nekumba kwacho akanga asingachauyi saka ndaigarirei? “Mwana akanga atosuwa chiso chababa, neni wacho ndakanga ndasara panzara yezvese, ndikati regai ndiende. Chandiunza kuno kudare inyaya yekuti haachadi kuchengeta mwana wake.

“Dai andipewo $150 yemendenenzi yekuti ndikwanise kuriritira mwana nekuti iye ari kutambira mazakwatira emari,” akadaro Mudiwa.
Akati Chirarawire akafuratira mwana wake nemhaka yekusada kudarikwa nevemarokwe.

“Nababa ava takaita mwana wedu zvakanaka mukuwirirana. Asi tati garei akazotanga kuita madiro ava kuita zvevakadzi vakawanda, izvozvi ane mumwe mukadzi waainaye kunova ndiko kwaakanga ava kupedzera shungu dzese ini achindisiya panzara.

“Ngaachengete mwana wake, anozviziva kuti ndiye baba vacho. Izvozvi handina kwandiri kushanda kwakati tsvikiti, ndiri kungoshandawo kwandiri kuwana kamari kekuti ndikwanise kurarama zvekushingirira asi iye ari kudya yake nemumwe mukadzi mwana achiita kunge nherera.”
Chirarawire akapikisana naMudiwa achiti:

“Ishe wangu, amai ava vari kutaura nhema dzega. Mukadzi uyu ndaida zvekugara naye iye ndiye akanditiza achiti handichagarika neni. Ndiri munhu aidawo chaizvo kuti mwana wangu akure achiona baba vake asi iye ndiye akachinjisa zvinhu.
“Pari zvino handina mari yandinokwanisa kumupa nekuti kubasa kwaari kutaura kuti ndinowana mari handichaendi, ndakakuvara ruwoko.
“Pandakanga ndichiri kugara naye ndakamutengera muchina wekusonesa ndikati kana zvinhu pazvinenge zvaipa sezvazvave izvozvi, unogona kuita mabasa emawoko anomuwanisa mari asi muchina iwowo wakatochemberera mumba wakangogara.”
Akati ane mumwe mukadzi nevana vana avo vanoda kuriritirwa naye.
Mutongi Trevor Nyatsanza akati Chirarawire abhadhare $30 pamwedzi.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×