Baba vakandipfimba ini ndikavaramba

Courtney Munodawafa

Mudzimai anogara kuDzivaresekwa anoti ari kushushikana zvikuru nehunhu hwemurume wake hwekupfimba musikana wavo webasa uye akamubvunza nezvenyaya iyi anobva amubatira banga.

Fadzai Furusa akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Risai Magarira achikumbira gwaro redziviriro.

Furusa anoti Magarira anomushungurudza nekumurova.

Mutongi Gladys Moyo akapa Furusa gwaro rinomudzivirira.

“Uyu murume wangu asi anondirovera pamberi pevana nemushandi wedu. Mushandi wedu akandiudza kuti baba vakamupfimba akavaramba. Ndakamubvunza murume uyu tikanetsana, akabva andibatira banga,” anodaro.

Furusa anoti rimwe zuva akambotiza murume wake apo aimurikita akasvetuka fenzi ndokuenda kumba kwemuvakidzani wavo.

“Ndakatiza ndakajamba fenzi kuenda pamba pevavakidzani vachindirova vakatevera. Vanotaura kuti vanoda kundibaya nebanga nevana ivo vobva vazviuraya. Vari kundirambidza kuuya kumba vachinditeverera kubasa kwangu,” anodaro.

Magarira haana kupokana nechikumbiro chaFurusa kudare.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *