Poto ine nyama pfe pasi pemubhedha

Nyasha Bvudzijena

Muchinda anoshanda sahwindi kumakombi anotakurira mumugwagwa waJoseph Msika Street (waimbonzi Cameroon Street), muguta reHarare, anoti ari kugara musango mushure mekuoneswa pfumvu nemudzimai wake akazvitakura uyo anomudzinga pamba, kumurova nekuviga poto yeusavi pasi pemubhedha kuti ashaye chekudyisa sadza nacho.

Timi Marimo akamhan’arira Lorraine Mavhurungudza kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Marimo anoti mudzimai wake akambomubaya nebanga padumbu neparuwoko.

Mutongi Gladys Moyo akapa Marimo gwaro rinomudzivirira.

“Mukadzi uyu ari kundidzinga pamba uye ari kuita tsika yekuviga poto yemuriwo pasi pemubhedha senzira yekundikaurisa kuti ndishaye chekudyisa sadza. Asi anoziva kuti ndinenge ndichifanirwa kunwa mapiritsi.

“Tikangonetsana bedzi, ndinokandirwa maARV angu panze ndonzi ibva pano asi takatenga tose midziyo iri mumba umu,” anodaro Marimo.

Anoti mudzimai wake ari kuramba kumupa nhumbi dzake sezvo asiri kuda kumuona achisvika pamba.

“Hembe dzangu ari kundinyima zvekuti ndatopihwa dzekupfeka nhasi nehanzvadzi yangu nekuti ndiri kugara musango uye akauya kuzondirwisa kubasa ndokubvarura nhumbi dzandaive ndakapfeka.

“Mari anondibira ndakarara saka ndibatsirei nekuti ndikamudzosera iye aine pamuviri hazvizoite,” anodaro.

Marimo anoti rimwe zuva Mavhurungudza aida kumupisa nechitofu chegas uye akatombomubaya nebanga padumbu neparuwoko.

Achipawo divi rake, Mavhurungudza anoti murume wake ari kumunyepera uye haasi kunzwisisa kuti apindwa nemweya wei.

“Handisi kutomboziva kuti murume uyu andifungirei rwendo rwuno nekuti mapiritsi aari kutaura ndini ndaitonomutorera. Saka nhasi ndozomurambidza sei kuanwa?

“Pandakadanana naye tichizogara tose anga asina kana chinhu ndikatomuita kuti atore rezinesi rekutyaira motokari,” anodaro.

Mutongi Moyo anoti Marimo anofanirwa kudzokera pamba pake uye kana vaviri ava vatadza kugarisana murunyarararo, vatore matanho emutemo anotarisirwa pakugova midziyo zvakaenzana sezvo vakashanda pamwechete.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×