Muchaneta Chimuka
MURUME wekwaMambo Mangwende, kwaMurewa akamuka chibhebhenenga apo akarovera pasi mwanakomana wake ane makore mashanu okuberekwa uye ndozokava mumwe wacho ane makore matatu okuzvarwa neshangu padumbu mushure mekunge anetsana nemudzimai wake uyo akange atiza pamusha.
Mutongi wedare reMurewa Magistrates Court, VaPanashe Matongo, vakapa Tinashe Steward Tirivapenyu wemubhuku raMashaire chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu pamhosva yekutanga yekurovera mwana wake pasi.
Vakazomubvisira mwedzi miviri pachirango ichi zvakaita kuti asare nemwedzi mina izere.
Pamhosva yepiri yekukava padumbu mwanakomana wake ane makore matatu okuberekwa, vakamupa chirango chekugara mujeri mwedzi mina izere.
Tirivapenyu achange achipikira mhosva idzi panguva imwe chete.
Kurova kwaakaita vana vake kwakaonekwa nedare kuti kunokanganisa utano hwavo hwepanyama nemupfungwa.
Tirivapenyu akabatwa nemhosva yekushungurudza vana vake pasi pechikamu cheSection 7(1) chemutemo weContravening of the Children’s Act) Chapter 5:06.
Muchuchisi Anesu Gwena akaudza dare kuti nomusi wa17 Chikunguru gore rapera, mubhuku raMashaire kwaMambo Mangwende, Tirivapenyu akanetsana nemudzimai wake, Cheneso Machinya, achibva atiza nevana achinopotera kumba kwasekuru vake nekutya kurohwa nemurume wake.
Tirivapenyu nasekuru vake, Charles Chihuri, vakabva vatevera kwakange kwaenda Machinya.
Panguva iyo Chihuri akanga ari mushishi kupanga mazano vaviri ava senzira yekuvayananisa, Tirivapenyu akabva atora mukana uyu kwave kutanga kurikita mudzimai wake.
Akazonunudzwa naChihuri pamwe chete naCarren Mujoma anove hama yaMachinya.
Machinya akabva atiza mushure mekunge adzipwa pahuro katatu nemurume wake uye ndokuenda kumusha kwevabereki vake kuMasvingo.
Mushure mekunge Machinya atiza, Tirivapenyu akabva atanga kupedzera shungu kuvana vake.
Akadzingirira mwana wake ane makore mashanu okuberekwa ndokumusimudza achibva amurovera pasi katatu kese apo Chihuri naMujoma vainge vakatarisa.
Mwana uyu akaendeswa kuchipatara akanorapwa uye magwaro ekwachiremba akabudiswa mudare seumbowo.
Pamhosva yepiri, iyo akapara pazuva rimwechete iri, Tirivangani akaenderera mberi nekukava neshangu mwanakomana wake ane makore matatu okuberekwa padumbu zvakasimba zvakaita kuti adonhe negotsi.
Mwana uyu akakuvara akaendeswa kuchipatara cheNhohwe Mission Hospital uye magwaro ekwachiremba akabudiswa mudare seumbowo.
Achipupura mudare, mwanakomana waTirivangani ane makore matatu okuberekwa akatsanangura
tsekwende yaakasangana nayo mumaoko ababa vake.
“Baba vakauya kumba kwataive vaina Sekuru Chihuri vanova vakatanga kupanga mazano kuvabereki vedu. Asi baba havana kuzvitambira vachibva vatanga kudzipa amai vedu pahuro zvakasimba katatu kese, saka amai vakazokwanisa kununudzwa naSekuru uye naamai Nadie (Mujoma) vachibva vatiza. Baba vakabva vaenda kunosimudza mukoma wangu vachibva vamurovera pasi katatu kese mushure mezvo kwava kundibhutsura mudumbu ndikadonha negotsi,” anodaro.




