Baba vanochemwa nevana

Amager Mufema
MUSHARUKWA ane marambadoro ari kupomerwa kushaisa mhuri yake mufaro sezvo pose paanenge anwira hwahwa achirova mukadzi wake pamwe nekupopotera vana.

Grace Katiyo akaudza mutongi Trevor Nyatsanza wedare reHarare Civil Court kuti aoneswa chitsvuku nemurume wake, Japhinos Chimombe, nekudaro anoda kudzivirirwa.

“Mambo wangu, ndapoterawo kuno nekuti upenyu hwangu huri parumananzombe nemurume amire apa uyu. Akangonwa doro chete anonditevera mukombi mandinenge ndakwira otanga kundirikita. Mhosva yacho yandinenge ndichiroverwa ndoishaya kuti ndeyechii,” akadaro Katiyo.

“Anongouya kana kumba otanga kundirova nekungopopota pamberi pevana zvekuti pose paanodzoka vana vanototanga kuchema. Zvino kungave kugara here?

Akati haadi kuti Chimombe auye kubasa kwake nekuti anomukanganisa mashandiro.

“Ndinokumbirawo kuti asauye kubasa kwangu nekuti anondivhiringidzira vatengi,” akadaro Katiyo.

Chimombe akaudza dare kuti haarove mudzimai wake asi kuti anenge achigadzirisa apo vanenge vanetsana.

“Ndinenge ndisingarove mukadzi wangu asi kugadzirisa zvinhu zvinenge zvichinetsa,” akadaro Chimombe zvakaita kuti vanhu vaive mudare iri vati bvuu kuseka.

“Tinoshanda pabasa pamwe chete saka ndikarambidzwa kusvika pabasa apa ndipo pandinoshandirawo kuzviraramisa ini, iye nemhuri yatakaita,” akadaro Chimombe.

Mutongi Nyatsanza akapa Katiyo gwaro redziviriro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *