Baghdatis haasi kuzonokwikwidza

MUTAMBI wetenesi wekuCyprus, Marcos Baghdatis, haasi kuzonokwikwidza kumutambo weRio Olympics mushure mekutadza kupora gokora rake.

Baghdatis akakundwa muround rechi16 naAndy Murray kumitambo ye2012 London Olympics.

Mutambi uyu akabuda pachena kuti akarwadziwa nekukundikana kuenda kunokwikwidza asi anoti anga asarudza kurega kuenda kumakwikwi aya sezvo aisada kurasisa nyika yake.

“Zviri pachena kuti kana ndisina kupora zvakakwana handiende kunokwikwidza kumaOlympics nekuti ndinenge ndisiri kubatsira nyika yangu,” Baghdatis akadaro achinyora padandemutande reFacebook.

“Saka zvakadaro ndinokuzivisai kuti ndave kuzviburitsa muchikwata cheCyprus Olympic Team. Ndakatozivisa sangano reCyprus Tennis Federation”.

Baghdatis ange adzoka muTop 40, mushure mekunge atamba zvinonwisa mvura kuDubai Duty Free Tennis Championships, asi akabuda zvakare muTop 40.

Mutambi uyu, uyo ane makore 31 okuberekwa, akakunda Viktor Troicki, Vasek Pospisil, Bautista Agut naFeliciano Lopez kusvika apinda mufainari umo akazokundirwa naStan Wawrinka mumasets maviri.

Baghdatis anoremekedzwa chaizvo munhorowondo yeDavis Cup sezvo akambopedza mitambo 36 asina kumbokundwa.

Akambosvika kufainari yeAustralian Open mugore ra2006 umo akazokundwa naRoger Federer. — Daily Mail.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *