Barcelona yotenga Griezmann

VATAMBI veBarcelona vakatendera chikwata chavo kuti chigotenga Antoine Griezmann kubva kuAtletico Madrid mwaka unotevera, sezviri kutaurwa nemapepanhau ekuSpain.

Chikwata ichi – icho chiri kutungamira muLa Liga – chiri kugadzirira mari inosvika £88 miriyoni yekutenga chizvarwa chekuFrance ichi uyo akwanisa kunwisa ka16 mwaka uno kuAtletico.

Bepanhau rimwe rekuSpain rakaburitsa Griezmann akapfekedzwa jezi reBarcelona uye rinoti vatambi vechikwata ichi vari kufarira kutengwa kwemutambi uyu. Chikwata ichi chine vamwe vatambi vanoti Lionel Messi, Luis Suarez, Ousmane Dembele naPhilippe Coutinho vagara varipo uye vatambi vacho vanoti Griezmann akauya vanobva vave kuzivikanwa seFifth Fantastic.

Bepanhau reSport rinoti Barcelona mwaka uno yakasiya jezi nhamba 7 risina ari kuripfeka kuitira kuuya kwaGriezmann, iro raanopfeka kuAtletico.

Barcelona yakaedza zvikuru kutsiva kurasikirwa kwayakaitwa naNeymar uyo akaenda kuParis Saint-Germain nemari yakawandisa inosvika £198 miriyoni nekutenga Dembele naCoutinho.

Dembele – uyo akatengwa kubva kuBorussia Dortmund ne105 miriyoni paunzi – ange achitatarika nekungokuvara mwaka uno uye haasati arakidza hunyanzvi hwake hwakakwana kuNou Camp. – Daily Mail Football

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *