‘Barika randiremera’

SAMUSHA wekuita barika revakadzi vatatu akachema-chema mudare achiti akange asingakwanise kubhadhara mari yemendenenzi yaidiwa nemumwe wemadzimai ake sezvo mhuri yamuwandira.

Progress Sithole akakakatira Kenneth Shatiwa kuHarare Civil Court achida mari yekuriritira mwana wavo.

“Baba ava vanenge vatokanganwa kuti mwana wavakandisiira vachiita zvebarika anodawo rutsigiro kubva kuna baba vake. Ndiri kuda kuti mundibatsire ndiwane $80 yekuriritira mwana,” akadaro Sithole.

Akati anoda mari iyi sezvo akamiswa basa nekuda kwepamuviri paakapihwa naShatiwa.

“Handina kana pekutangira nekuti handisi kuenda kubasa. Basa ndakamira panguva yandakanga ndava kuda kusununguka nanhasi harina kuzombomuka. Iye wacho akabva anditiza ava kuita zveshamwarikadzi zvakazomupa kuti aite vakadzi vaviri vaava navo.

“Dai asiri iye akandipa pamuviri ndingadai ndiri kusevenza nanhasi asi pedzezvo haachadi kuriritira mwana wake. Izvozvi chero kuti mwana anopfeka sei haazivi, ava kutombokakaritsana nebarika rake achikanganwa mwana wake.

“Vakadzi vake vaanavo vari kudya tunonaka vachirwidzana kumubikira. Wava kunakirwa navahosi nanyachide vako uchikanganwa wangu mwana uchiti ndewemusango haana basa. Ndosaka ndauya kudare kuti rindibatsire,” akadaro.

Shatiwa akaudza dare kuti mari yaidiwa naSithole yakawandisa sezvo barika ramuremera.

“Vakuru vedare, mwana wangu ndinotombomucheuka zvinhu pazvinenge zvakandirerukira asi parizvino hazvina kundimirira zvakanaka. Ndine vamwe vakadzi vari kumba vakatondimirira pamisiwo kuda kuona kuti mukupera kwezuva ndiri kuuya ndakabatei. Mari haisi kundikwanira, ndiri gadhi kuUZ,” akadaro Shatiwa.

“Mwana ndinokwanisa kumuwanira $40 chete kwete iri kutaurwa naamai ava nekuti yakawanda. Ndikada chero kutarisa magariro akaita mwana nezera rake inonzwisisika.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Shatiwa abhadhare $40 pamwedzi yemendenenzi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×