‘Basa rako iWhatsApp’

Gamuchirai Muzanenhamu
BABA vekuendeswa kudare nemwanakomana wavo achiti vari kumutambudza vanopokana nemashoko aya vachiti muchinda uyu inyope uye anoda kuswera akarara pamba achiita zveWhatsApp.

Tafara Ngundu akamhan’arira baba vake, Webster Ngundu, kudare achiti havagare naye zvakanaka sezvo vachida kumurova nekumutuka zvisina maturo.

“Baba vangu vanongofunga zvekuda kundirova pese-pese, tikangonetserana kanyaya kadiki vanenge vave kutondiratidza masimba avo nekundituka vachishandisa mashoko anondishungurudza,” anodaro. Anoenderera mberi achiti iye ava munhu mukuru, saka zvekutyisidzirwa nekutukwa haachazvida.

“Ndava munhu mukuru saka zvekuti varambe vachindituka nekundityisidzira pese-pese handichada, handisisiri mwana mudiki,” anodaro Tafara. Webster anoti mwana wake ane nungo dzisingaite, ndosaka ari kuona kunge ari kushungurudzwa.

“Ane nungo dzisingaite. Nezera rake iroro anoda kuswera akarara kana kuti ari paWhatsApp zvekuti ukamutuma mabasa epamba sekuti aende kunochera mvura chaiyo, anotanga kuti ari kunetswa,” anodaro. Anoenderera mberi achiti iye ndiye ari kushungurudzwa nekutukwa.

“Iye ndiye ari kundishungurudza nekundituka, ava kutozviona sababa ini ndini mwana wake. Akandidhumirisa kumadziro emba nekuti ndakanga ndamutuma kunotenga mbeu,” anodaro Webster. Mutongi Nyasha Marufu akapa Tafara gwaro redziviriro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *