‘Batai munhu, zviri kuitwa handizvo’

Madzimai Molline Mudzingwa vachibviswa zino Madzibaba Elias Gomwe
Madzimai Molline Mudzingwa vachibviswa zino Madzibaba Elias Gomwe

MUTAURIRI wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Mai Audrey Tasaranarwo, vanoti zviri kuitwa nemuporofita weko, uyo ari kudzura varwere mazino achishandisa mawoko ake pasina zvimwe zvakaita semagirovhosi, zvine njodzi huru sezvo zvichigona kukonzera kupararira kwezvirwere.

“Pane zvakawanda zviri kukanganiswa apa sezvo munhu ari kuita izvi asina kudzidzira basa. Pamusoro pezvo, haapfeke magirovhosi.

“Panoitwa basa iri muzvipatara, machiremba vanopfeka magirovhosi anenge achangovhurwa achionekwa kuti haana utachiona nemajemisi. Apa zvakare hapazi kushandiswa jekiseni rechiveve kuti murwere adzurwe mazino pasina kurwadziwa,” vanodaro Mai Tasaranarwo.

Vanoti muporofita uyu akazivikanwa nevakuru vezveutano anogona kusungiswa nekuda kwezvaari kuita sezvo zvisiri pamutemo.

“Tine vamwe vanhu vanobuda ropa zvikuru, iro rinotozoda vanamazvikokota kuti murwere abatsirwe. Zvino madzibaba ava vanozviita sei kana pasvika pakadaro?

“Munhu iyeye anogona kufa. Ivo zvakare madzibaba ava vari panjodzi yekutapurirwa zvirwere kubva kuvanhu vavanobatsira.”

Vanoti pamutemo, mushure mekunge munhu abviswa zino anofanirwa kunwa mapiritsi ekupomhodza marwadzo izvo zvisiri kuitwa nemuporofita uyu.

“Vanhu vanoenda kumuporofita uyu kunobviswa mazino vachida kubatsirwa avo vanoti vanoshaya mari vanofanirwa kuenda kuzvipatara vonotaura dambudziko ravo sezvo vanogona kubatsirwa pachena,” vanodaro.

Machiremba emazino munyika muno anotungamirirwa nesangano reMedical and Dental Practitioners Council of Zimbabwe (MDPCZ) iro vakuru varo vasina kukwanisa kubatika kuti vapewo maonero avo pamusoro penyaya iyi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×