Bhaisikopo remahara!l ‘Chimoko’ chakarohwa chikazviitira

Gibson Mhaka

PAKAITA bhaisikopo remahara nguva yadarika apo mumwe mukadzi wekuMpopoma, kuBulawayo, akasvikira murume wake achisasana nepfambi mumba mavo iyo inonzi yakarikitwa zvekusvika pakuzviitira tsvina iri pamubhedha payainge yakarara.

Mukadzi anonzi ipfambi uyu anonzi akazomanikidzwa neveruzhinji kuti afambe pajekerere ari musvo.

Tendai Kaocha — uyo anozvishandira achiita zvekuveza — anonzi akafunga kutora shamwarikadzi yekuvaraidzana nayo sezvo mudzimai wake akange asipo uye pari zvino akazvitakura.

Kaocha akazobatwa nemudzimai wake — uyo akanga akashanya kwatete vake ndokudzoka asingatarisirwe nemurume wake — ari mumba neshamwarikadzi iyi.

Mukadzi waKaocha anonzi akakiya gonhi nekunze ndokudaidza vavakidzani vanova vakazoita Kaocha neshamwarikadzi yake kanyama kanyama.

Mumwe wevaiva pachiitiko ichi anoti, “Murume uyu akawana zvaaida nekuti aka hakasi kekutanga achiunza pfambi pamba. Anogara achiunza pfambi pose panoenda mukadzi wake kuminamato yemanheru.”

Vavakidzani vakazonzwawo ruzha apo vaviri ava vairohwa vanoti vakazvionera bhaisikopo remahara.

“Musi uyu Tendai akaunza shamwarikadzi yake mumba make asi akaita rombo rakashata apo mukadzi wake uyo anga ashanyira tete vake akazodzoka panguva yaanga asingafungire. Mukadzi uyu haana kuzvibvuma paakabatira murume wake panzvimbo achisasana nepfambi.

“Nehasha, akakiya dhoo nekunze ndokudaidza vavakidzani avo vakazoita murume wake neshamwarikadzi kanyama kanyama kuvarova. Shamwarikadzi iyi yakazozvibatsira ndokuitira tsvina pamubhedha waTendai nemukadzi wake. Pfambi iyi yakazopotera pachechi iri pedyo nepamba paTendai,” anodaro mumwe wevavakidzani vaKaocha.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×