Bhodhi idzva reIndoor Cricket

BHODHI idzva richange richitungamira ligi reDa Vinci Indoor Cricket League rakagadzwa munguva yadarika zvichitevera kusiya basa kwakaita Jim Marshall uyo aive sachigaro.
Marshall akatungamira ligi iri kwemakore mana kubvira parakavambwa mugore ra2010.

Petrus Erasmus ndiye akatsiva Marshall uye achange achibatsirwa basa rake naSaad Khan uyo anove mutevedzeri wake.

Muhurukuro naKhan svondo rino, akati bhodhi idzva iri rine basa guru sezvo richashanda nesimba mukusimudzira mutambo uyu. Anoti pakatanga ligi ravo mwaka uno raive nezvikwata zvitanhatu asi vanoda kuwedzera zvimwe zvina kuti zvigosvika 10.

“Tine zvirongwa zvakawanda zvatakaronga zvekuti ligi redu iri rikure.

“Parizvino tine zvikwata zvitanhatu zviri kukwikwidza asi tichawedzera zvimwe zvina kuti zvigosvika 10 sezvo tinoda kuti mutambo uyu ukure ugonakidza.

“Tichangotanga basa iri hedu saka tinoda kurakidza kuti pave nebhodhi idzva rave kutungamira ligi iri kuburikidza nekuronga zvirongwa zvakawanda zvinosimudzira mutambo uyu,” akadaro Khan.

Ligi regore rino risati ratanga, zvikwata zvemuno zvaitarisirwa kuenda kuSouth Africa kunokwikwidza asi zvakazokundikana nekuti zvakashaya mari uye bhodhi iri rainge richangotanga basa.

Khan anoti vachamhanya-mhanya kutsvaga mari kuti vagokwanisa kutumira zvikwata zvavo kunokwikwidza kuSouth Africa apo ligi richapera.

“Taifanirwa takaenda kuSouth Africa mwaka mutsva weligi rino ratiri kutamba usati watanga asi hazvina kuzobuda saizvozvo, tave kuzviita gore rinotevera pachapera mwaka uno weligi watiri kutamba.

“KuSouth Africa tichaenda uye tichatumira zvekare zvikwata zvedu kunokwikwidza kunyika dzakasiyana dzakaita seBangladesh, Pakistan neAustralia,” akadaro Khan.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×