Bhuku idzva reChiShona

VENTURES: GORE REKUTANGA CHISHONA (College Press)

BHUKU idzva reGore Rekutanga ChiShona rakanyorwa naCletus Kumbirai Jeke Ngwaru rikatsikiswa neCollege Press rinoenderana negwaro idzva rekuvandudza dzidzo munyika, reNew Curriculum, rakakosha zvikuru kuvadzidzi vari murugwaro rwokutanga kupuraimari.

Marongerwo ezvidzidzo akaitwa zvine unyanzvi, zvinobatsira vadzidzi kutanga nezvavanoziva zvichienda kune zvavasingazivi.

Bhuku iri rinoburitsa izvi kumavambo kwaro apo rinoratidza zvinhu zvinowanikwa kumba uye munharaunda mevadzidzi zvakaita semidziyo, zvekutambisa nemhuka dzinowanikwa pamusha nemunharaunda mavo.

Izvi zvinopa vadzidzi mukana wokutaura pamusoro pezvinhu zvavanoona nguva zhinji vari kumba.

Mifananidzo iri mubhuku inoyevedza chose uye inotsinhira zvidzidzo zviri kudonongodzwa zvinoita kuti vadzidzi vafarire kuverenga.

Bhuku reGore Rekutanga ChiShona rakanyorwa nedonzvo rekuvandudza hunyanzvi hwevadzidzi hwekutaura, kuteerera, kuverenga uye kunyora sezvinodiwa negwaro idzva rekuvandudza dzidzo munyika yedu.

Vadzidzi vanopiwa mukana wekuratidza kunzwisisa kwavo zvavanenge vadzidza, kubudikidza nekuvapa basa rekunyora mavara, kuumba mazwi nemitsara izere, nekupindura mibvunzo yenzwisiso.

Vadzidzi vanowaniswawo zvakare mukana wekuita hurukuro vachipana mikana yekuteerera nekutaura.

Basa zhinji riri mubhuku iri rinoita kuti vatambanudze njere dzavo zvinotarisirwa pagwaro rekutanga.

Bhuku reGore Rekutanga ChiShona rinodonongodza nzvanyira nenzvovera dzose dzeChiShona dzinofanira kudzidzwa pagwaro rekutanga kupuraimari.

Panopiwa nyanzvira pachikamu choga- choga pamwe nemazwi anoenderana nenyanzvira idzi.

Vadzidzi vanopiwa mukana wekushandisa nzvanyira nenzvovera kuumba mazwi nemitsara nekuverenga.

Izvi zvinoramba zvichidzokorodzwa uye zvichivandudzwa kuti vadzidzi vazvibate nekuzvinzwisisa chose.

Nyaya dziri mubhuku iri dzinosanganisira ngano, mitambo nenhetembo dzinoenderana nezvinosanganikwa nevadzidzi zuva nezuva. Nyaya idzi dzinodzidzisa kugarisana nevamwe zvakanaka, kuzviriritira, kushandiswa kwezviwanikwa kwakanaka, kukosheshesa nyika yavo uye kudzidza zvesainzi nemakombiyuta.

 

. Ongororo yebhuku iri yakaitwa naKwaramba Kumbirai ari paRuvheneko Primary School kuGlen Norah, muHarare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *