Bhuku idzva reo-level

MUNYORI wemabhuku eShona anodzidzwa muzvikoro, Munyaradzi Gunduza, akabura rimwezve bhuku idzva rinonzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level iro rinotasirirwa kubatsira vadzidzi zvikuru.

Gunduza anoti akanyora bhuku iri nechinangwa chekubatsira vana vechikoro kuongorora mabhuku echiShona avanoverenga vachigadzirira bvunzo.

Bhuku iri rinoongorora mabhuku achanyorwa nevana veO-Level kubva Mbudzi 2017 kusvika Chikumi 2019. Mabhuku akaongororwa anosanganisira Museve Usingapotse, Dare Retariro, Kereke Inofa, Mutakunanzva weNhetembo pamwe chete naPfuma Ndeyamaoko.

“Mubhuku iri ndinotsanangudza bhuku rese ndichibata mibvunzo nemhinduro yezvinhu zvinonyanya kudzidzwa paO-Level. Bhuku iri rakakoshera mwana wechikoro nekuti vazhinji vanofoira, kwete nekuti vanenge vasina kuverenga mabhuku aya, asi kuti kusaziva mapindurirwo emibvunzo inouya.

“Bhuku iri rinodzidzisa vana vechikoro mapindurirwo anoitwa mibvunzo pakunyora kwavo sezvinotarisirwa nevakwenyi vebvunzo. Rinobatsira zvakare chero kuvadzidzisi kuti vazivewo kupindurwa kunoitwa mibvunzo pakudzidzisa kwavanoita vana,” anodaro Gunduza.

Anoti bhuku rake akaripa zita remadunhurirwa rekuti “Kabhuku kemwana wechikoro” nekuti idiki uye rinofanira kubatsira mudzidzi kuti azvivandudze muchiShona chake.

“Handina kungonyora bhuku iri ndichibva kumba asi kuti ndakabatana nenyanzvi dzinokwenywa bvunzo idzo dzakariongorora. Vana vazhinji vanofoira chiShona kwete nekuti havachidi asi kuti chinovaomera uye vanenge vasina chinovabatsira pakuongorora mabhuku,” anodaro.

Mamwe mabhuku akanyorwa naGunduza anosanganisira Mhinduro Yeruvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level Revised Edition naOngororo yeNhetembo neMabhuku eShona O-Level.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *