Bhuku rinobatsira vana nevadzidzisi

VENTURES Primary Family, Religion and Moral Education Learner’s Book Grade 3 ibhuku rekuverenga revadzidzi rakagadzirwa kutsigira zviri mugwaro idzva re- dzidzo, reNew Curriculum.

Rine zvokuita zvinobatsira vadzidzi kuti vanzwisise chidzidzo cheFamily, Religion and Moral Education pagwaro rechitatu.

Bhuku iri rinopa vadzidzi basa rekuti vaite mumapoka uye mumwe nemumwe.

Ibhuku rinogona kushandiswa kunzvimbo dzose. Izvi zvinoreva kuti vana zvose nemudzidzisi – kunyangwe vakange vari kumusha kana mudhorobha – chidzidzo chinoenderera mberi zvisina dambudziko.

Bhuku remudzidzi rekuverenga rinopa zvakare vadzidzi rodza njere pakupera kwemusoro woga-woga.

Izvi zvinobatsira kuti mudzidzisi aone kuti vadzidzi vanzwisisa here kana kuti kwete. Mudzidzisi anogonawo kuziva kuti oenderera mberi here kana kuti panodiwa dzokororo kuburikidza nerodza njere.

Rinopa zvakare bvunzo yekupera kwekotoro. Mibvunzo yacho inenge ichibata misoro yose yakaitwa kubva kukotoro ichitanga kusvika yapera. Izvi zvinobatsira mudzidzisi kuita ongororo yekuti kubva kotoro ichitanga, ndezvipi zvabatwa nemudzidzi.

Bhuku iri rakanyorwa nemutauro wechiRungu chakareruka zvekuti vadzidzi vari mugwaro rechitatu vanonzwisisa zvisina dambudziko.

Ventures Primary Family, Religion and Moral Education Learner’s Book Grade 3 rinouya nebhuku remudzidzisi rinoratidza kuti chikamu chimwe nechimwe chinodzidziswa sei zvichienderana nemisoro inenge iri mubhuku revana.

Rinopa zvakare mhinduro dzezviitwa zviri mubhuku remudzidzi.

 

Ongororo yebhuku iri yakaitwa naNellia Mayoyo uyo anova mudzidzisi paZimphos Primary School.

Related Posts

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×