Biofortification yosimudzirwa

Daphne Machiri
HURUMENDE inoti yakazvipira kusimudzira kurimwa kwembesa dzine kudya kunovaka muviri kwakapamhidzirwa (biofortification) nedonzvo rekupedza nzara munyika uyewo nekuti pave nekunyuka kwemabasa akasiyana.

Mashoko aka akataurwa naAmbassador Mary Mubi  – avo vanoshandira mumahofisi emutungamiriri wenyika (Office of the President and Cabinet) nguva pfupi yadarika muHarare pagungano rekutsvaga nzira dzekutsigira kurimwa kwezvirimwa zvakasiyana pasi pechirongwa ichi.

“SeHurumende, takazvipira kusimudzira kurimwa kwezvirimwa zvine kudya kunovaka muviri kwakapamhidzirwa zvinova zvinovandudza goho nenyaya dzeutano munyika. Rimwe donzvo nderekupedza dambudziko renzara muvanhu,” vanodaro Ambassador Mubi.

Vanoti Hurumende – kubudikidza nemapazi anosanganisira rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, rezveutano nekuchengetedzwa kwakanaka kwevana nebazi rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva pamwechete  nevemakambani akasiyana-siyana akazvimirira –  vari kusimudzira kufambira mberi kwechirongwa ichi.

“Zvirimwa zvine kudya kunovaka muviri zvakakosha kuvana vechikoro sezvo vachiwana zvakadai seVitamin A muchibage cheOrange maize pamwe neIron beans idzo dzine Zinc zvinopa kudya kwakavandudzwa,” vanodaro Ambassador Mubi.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vave neruzivo pamusoro pechikafu chinovaka muviri.

“Veruzhinji vanofanirwa kuve neruzivo rwechikafu chinovaka muviri, haisi nyaya yekungodya asi kuti ngatitarisei zvatinowana kubva mazviri kana tichinge tadya.

“Zvinova zvichatibatsira mukuderedza zvirwere zvakaita semanyoka nekuperezeka kwemiviri, zvikuru takatarisa vana vari pasi pemakore mashanu,” vanodaro Ambassador Mubi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zimbabwe yakagara ichisimbaradza chirongwa chebiofortification kubva kare. Tichitarisa munyu chaiwo, takakwaniswa kurwisa chirwere chegurokuro (goitre) kuburkidza nekushandisa munyu wakapamhidzirwa simba (iodised salt).”

Vachitaurawo pagungano iri, chamangwiza weDepartment for International Development (DfiD) – Mai Annabel Gerry – vanoti vakavamba chirongwa chekurimwa kwembesa dzakasiyana pasi pechirongwa chebiofortification kumaruwa nedonzvo rekusimudzira zvirimwa zvinovandudza hutano pamwe nekusimudzira goho, zvikuru mumwaka inenge isinganaye mvura yakaringana.

Mai Annabel Gerry

“Takasarudza zvirimwa zvinobura goho guru zvisinei nekuti mvura inenge isina kunaya zvakaringana nechinangwa chekupedza nzara uyewo nekuti pave nemabasa,” vanodaro.

Vanoti vari kushanda nevarimi vari kumatunhu akasiyana eZimbabwe vachivapa ruzivo rwemarimirwo ebhinzi nechibage chemhando yeOrange maize.

“Mukufamba kwataita nechirongwa ichi zviri kutaridza kuti Zimbabwe inyika ine hupfumi muivhu nekudaro kurima kunosimudza hupfumi hweZimbabwe pamwechete nenyaya dzekutengeserana nedzimwe nyika,” vanodaro Mai Gerry.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nemapoka akasiyana ayo anosanganisira Food and Agriculture Organisation, HarvestPlus Zimbabwe, Prime Seed Co, National Tested Seed, Mukushi, ARDA seeds, Klein Karoo, Zimbabwe Super Seeds neTosek.

Kunze kweZimbabwe, mabhindauko erudzi urwu ari kuitwa kune dzimwe nyika dzemuAfrica dzinoti Malawi, Uganda, Kenya, Burundi, Tanzania, Rwanda neKenya.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×