‘Mbira mucherechedzo wetsika, magariro’

Malven Mugadzikwa
MUIMBI ane mukurumbira wekuridza musambo wembira — Virimai “V Mhofu” Nhedega — anoti mbira dzinofanira kuva mucherechedzo wetsika nemagariro emuZimbabwe uye veruzhinji havafaniri kudzitora sechiridzwa chinoridzwa nevanhu vanoita zvemashave nemidzimu chete.

“Veruzhinji vanofungidzira kuti kana munhu achiridza mbira ava kuita zvemashavi, kuromba kana kuti dzine chekuita nemweya yakaipa. Vamwewo vanofunga kuti mbira dzinofanira kuridzwa nevanhu vechikuru chete. Mbira ndicho chiridzwa chinozivikanwa kuti chakatangira muZimbabwe uye chinogadzirwa muZimbabwe. Kune vanhu vazhinji kubva kune dzimwe nyika vanouya kuzotenga chiridzwa ichi nekuti chakakosha uye ndicho chinoratidza tsika nemagariro edu muZimbabwe. Senyika, tinofanira kudada nechiridzwa ichi nekuti inhaka yatakasiirwa nevakuru vedu kubva kare uye tinofanira kuramba tichichengetedza nhaka iyoyi,” anodaro.

Nhedega — uyo ari kugadzirira kubuditsa dambarefu nguva pfupi iri kutevera — anoti ane tarisiro yekuti dambarefu iri richapa dzidziso kune veruzhinji.

“Chinangwa changu chikuru pakuimba kwangu ndichishandisa mbira kupa veruzhinji dzidziso yakanangana netsika dzedu nemagariro. Dambarefu rangu idzva rinonzi Inzwi Remvura uye rine nziyo zhinji dzine dzidziso yakadzama,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Padambarefu iri pane kambo kanonzi Kamusiyano ako kanotsiura vanhu kuti vataurirane zvakanaka panhaurirano dzavanoita. Kanopa kurudziro yekuti pakutaurirana vanhu havafaniri kuita mashoko ekuzamurira asi kuti kutaura kunoda kuzvininipisa kuti vanhu muwirirane pane chipi zvacho chamungadai muchitaura. Pane dzidziso yekuti chinozamurirwa idemo kwete mashoko nekuti panhaurirano vanhu vanofanira kupedzisa nekuwirirana.”

Dzimwe nziyo dziri padambarefu iri dzinosanganisira Chiringazuva naChido Chemoyo.

Nhedega akatsikisa dambarefu rake rekutanga rinonzi Makurutese muna2012 uye ndokuzobura rechipiri – Chidhamudhamu – muna2017 iro rine kambo kakanetsa zvikuru kanonzi Chidhamudhamu zvakare.

Muchinda uyu anoti haasati ambotsikisa mavhidhiyo asi padambarefu rake idzva iri ari kutarisira kuburitsa mavhidhiyo maviri.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×