Black Rhinos Under-21 hutu nemukombe

Abel Ndooka

CHIKWATA cheBlack Rhinos Under-21 ndicho chakasimudza mukombe weChallenge Football League U-21 Mid-Season Tournament, zvichitevera kukunda kwachakaita chePrime Rangers Academy 5-3 kumapena pamutambo wakaitirwa paOne Commando muHarare.

Mutambo wezvikwata zviviri izvi wainge wapera uri mangange 0-0, izvo zvakazotuma kuti zviende kumapena, uko Black Rhinos U-21 yakazohwinha.

Mutambo uyu weChallenge Football League U-21 Mid-Season Tournament waive nezvikwata zvinomwe zvinoti Black Rhinos U-21, shasha dzakahwinha mukombe uyu; Prime Rangers Academy; Cranborne Bullets U-21; Sportsvale Academy; Effenberg Academy; DC Academy; neFriendly Academy.

Achitaura mushure mokunge mutambo uyu wapera, sachigaro weChallenge Football League, Samuel Horonga, akati mitambo yavo yeligi iyi yeUnder-21 iri kubatsira zvikuru kuti vatambi vechidiki vagove neremangwana rakajeka munhabvu.

“Tiri kufara nemafambiro ari kuita mitambo yedu yeChallenge Football League yeUnder-21 nokuti iri kubatsira zvikuru kubika vatambi vechidiki, avo vatinoshuvira kuti mune remangwana vagosimuka munhabvu.

“Vatambi vemazera madiki akaita seaya, maUnder-21, vanofanirwa kukosheswa nokuti apo vachabva muboka iri isu tinenge
tave kutarisira kuti vachiende kumberi.

“Saka tiri kukurudzira zvikwata zvakasiyana-siyana kuti ngatikoshesei vatambi vedu vechidiki, tinyatsovabika chaizvo kuitira kuti mune ramangwana nhabvu yedu inge yakasimba,” akadaro.

Pakapera mitambo yesvondo radarika, varairidzi vezvikwata zvemuChallenge Football League vakaumba chikwata chavo cheselect, icho chichazenge chichitenderera kumapurovhinzi, chichitamba nezvikwata zvakasiyana-siyana.

“Tave nechikwata cheselect, icho chichazenge chichifamba kumapurovhinzi chichitamba nezvikwata zvakatsaukana-tsaukana. Izvi zvakatikoshera nokuti ipapa vatambi vedu vanenge vachionekwa nezvikwata zvakasiyana-siyana uye varairidzi vakasiyana-siyana.

“Chinangwa chedu ndechokuti vatambi vedu vechidiki ava vaende mberi munhabvu,” akadaro Horonga.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *