Boka yagadzirira kutengesa wefodya

KAMBANI ine mukurumbira wekutengesa fodya munyika yeBoka Tobacco Auction Floors yovimbsa kuti yagadzirira zvizere mwaka wekutengeswa kwechirimwa ichi uyo wave kuda kuchitanga.

Mukuru anoona nezvekushambadzwa nekubudirira kwebhizimisi mukambani iyi, Mai Chido Nyakudya, vanoti gadziriro dzemwaka wekutengeswa kwefodya uyu dzave padanho repamusoro.

“Semaitiro edu makore ose tagadzirira zvikuru mwaka wekutengeswa kwefodya uyu. Zvinodiwa zvose takaita pasi pemitemo inokurudzirwa nekambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB). Chasara chete tangomirira zuva ratichapihwa rekuvhura misika,” vakadaro Mai Nyakudya.

Vanoti vashandi vavo vanova nyanzvi munyaya dzekutengeswa kwefodya nevamwe vose vari mubishi kupihwa zvidzidzo zvebasa ravo kuburikidza nezvikamu zvavanoshandira vari.

“Gore roga-roga tinoitisa vashandi vedu zvidzidzo zvekukwenenzvera mashandiro edu izvo tiri kutoita izvozvi. Patinozovhura munhu wese anenge agadzirira zvinoita kuti varimi vedu vatambirwe nemawoko akanaka,” vakadaro.

Mai Nyakudya vanoti varimi vachatengesa fodya kukambani yavo vachahwinhiswa mibayiro yakatsaukana sezvagara zvichiitwa makore ose.

“Varimi vanotengesa fodya pano vanozviziva kuti vane mibayiro yakawanda yavanowana inogara ichipihwa kupera kwemwedzi woga-woga apo tinenge tavhura pasi pechirongwa cheMabhero Jahwi. Varimi vanohwinha mari nezvimwe zvakasiyana uye gore rakapera taipa murimi mukuru wepamwedzi US$5 000, fetereza, mishonga nezvimwewo,” vakadaro Mai Nyakudya. Vakazoyambira varimi kuti vasiyane netsika yekutsvaga vamwe vanhu vanovatengesera fodya yavo sezvo vanogona kupedzisira vatsotswa nemakoronyera.

“Kune varimi vasingade kunyoresa neTIMB vanozotsvaga vaye vakanyoresa kuti vavatengesere fodya yavo zvinoita kuti vabirwe mari,” vakadaro.

Mai Nyakudya vakatiwo varimi vanofanira kusiyana netsika yekuisa zvimwe zvinhu zvakaita sematombo mukati mefodya yavo kuti ireme sezvo imhosva huru zvinozoguma zvavatorera nguva yakareba vari pamusika ichigadziriswa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×