Bolt akakuvara

USAIN Bolt achashanyira chiremba wake, Dr Hans Muller-Wohlfahrt, kuGermany svondo rino nechinangwa chekurapwa kukuvara kwaakaita uko kunogona kumutadzisa kuenda kunokwikwidza kumaOlympics.Pane kutyira kuripo kwekuti kukuvara kwakaita shasha yemujaho wekumhanya iyi, iyo yakadambuka tsinga yepachidya izvo zvakamutadzisa kukwikwidza kumujaho weJamaica National Senior Championships svondo radarika, kunogana kukanganisa gadziriro dzake dzekuenda kuRio.

Bolt anowirirana zvikuru naMuller-Wohlfahrt uyo akabatsira shasha iyi yekuhwina menduru dzegoridhe dzinosvika tanhatu kumaOlympics apo aishushikana nepaibvi, akatozokwanisa kuenda kunokwikwidza kumujaho we100m ne200m kuWorld Championships kuBeijing, kuChina.

Zvinotarisirwa kuti kana akarapwa naMuller-Wohlfahrt, Bolt anogona kupora akatokwanisa kuenda kunokwikwidza kuLondon kumujaho weAnniversary Games uyo uchatanga musi wa22 Chikunguru. Boka reJamaican Athletics Administrative Association (JAAA) rinoda kumuona achienda kunokwikwidza kumujaho uyu.

Kunyangwe hazvo chinzvimbo chake mumujaho we100m chiripo nechekare, zvimwe hazvizivikanwe pamusoro pewe200m. Bolt ange akaronga kuti aizomhanya mumujaho uyu kekutanga svondo rapera kubvira zvaakapedzisira gore radarika muna Nyamavhuvhu asi zvave kurakidza kuti anofanirwa kukwikwidza mumwe mujaho wekurwira kubata nguva yemaOlympics.

“Pane mujaho mumwe chete wake wekuLondon,” akadaro Ludlow Watts, maneja wechikwata cheJAAA.

“Ndinovimba kuti achashandisa mukana uyu wekumhanya agopedza nenguva inodikanwa.”

Bolt ari kurwira kuti ave shasha yekutanga kuhwina mujaho we100m, 200m nerelay kumijaho mitatu yakatevedzana asi anoziva kuti acharwiswa zvikuru naYohan Blake waanoita gadziriro dzake naye uyo akahwina kuKingston, kuJamaica nguva yadarika.

Blake, uyo akahwina menduru yesirivha mumujaho we100m kuLondon 2012, akarakidza hunyanzvi hwake mumijaho yaakakwikwidza yose kunational stadium nekuhwina kwaakaita kunyangwe hazvo asina kutanga zvinogutsa mufainari ye100m iyo yaakazohwina ndokurakidza kuti zvekukuvara zvakamudarika. — Daily Mail Athletics

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *