Buhera yotarisana nenzara

VARIMI vekudunhu reBuhera vangangotarisana nenzara huru zvichitevera kunyukurwa kwakaitwa zvirimwa zvavo nemvura zhinji iyo yakanaya nguva pfupi yadarika.

Ongororo yakaitwa neKwayedza svondo rapera inotaridza kuti goho revarimi ava rinogona kudzikira zvikuru mwaka uno nekuda kwekukanganiswa kwakaitwa zvirimwa izvi.

Mumwe murimi ane mukurumbira wekwaSabhuku Matanga kwaMuzokomba kuBuhera South, VaBope Mujaru Marume Muchazorwiwa (65), vakati mwaka uno havana chavachakwanisa kukohwa nekuda kwemvura yakawandisa.

“Kunaya kwemvura chikomborero asi zvemwaka uno yakazowandisa yakanaya zvekuzadza minda yose. Chibage chandakarima pamayeka maviri uyewo nemapfunde nemhunga zvose zvakany’udzwa.

Kutorimira pasi zvitova nani nekuti zvose zvakatsvuka hazvichabatsira kunyangwe ukaisa fetereza kana kuwedzera manyowa hazvina chibetsero, tave kungoziva kuti dunhu redu ratowirwa nenzara,” vakadaro VaMuchazorwiwa.

Kanzura vekuWard 15 kuBuhera West VaDambson Makichi (62) vakatsinhira nyaya yenzara iyi.

“Zvave kutoda kuti hurumende izobatsira nekudya, izvozvi kune vamwe vana vechikoro vari kufenda muzvikoro nenzara zvakonzera kuti isu sevatungamiri tikumbire kuti dai zvikoro zvapihwa poriji kana hupfu hwekuti vana vapote vachibikirwa kudya,” vakadaro.Vanoti muward mavo mune vanhu 22 000 avo chikamu chinoita makumi mapfumbamwe kubva muzana vanoda rubatsiro rwezvekudya.

Vakatenda mumiriri weBuhera West mudare reHouse of Assembly, Cde Oliver Mandipaka, nekubatsira vagari vemudunhu iri nezvekudya.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×