CAF yoripisa Zim . . . Hre City ndiyo muparanzvongo

Abel Ndooka
Sangano reConfederation of African Football (CAF) rakaripisa Harare City mari inosvika $3 000 zvichitevera kutadza kwakaita chikwata ichi kuti chikwikwidze mumutambo weCaf Confederations Cup. CAF munguva pfupi yadarika yakanyorera sangano rinotungamira nhabvu muno reZimbabwe Football Association ichizivisa kuti iri kuripisa Harare City nekukundikana kwayakaita kunokwikwidza mumutambo uyu.

MaSunshine City Boys, sezita remadunhurirwa reHarare City, yakahwinha mukombe weChibuku Super Cup gore radarika zvichirevera kuti ndiyo yaifanira kunomirira Zimbabwe mumutambo weCaf Confederations Cup. Zvisinei, Harare City yakazozivisa Zifa kuti haisi kukwanisa kunokwikwidza mumutambo uyu nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Chikwata ichi mwaka wadarika chakaburitswa muPremier Soccer League mushure mekutadza kuwana zvibodzwa zvakakwana. Mukushi wemashoko weZifa – Xolisani Gwesela – anotsinhira kuti Harare City yakatemerwa zvirango neCAF.

“Hongu, ichokwadi Harare City FC yakarangwa neCAF yakanzi ibhadhare faindi yeUS$3 000 zvichitevera kuramba kwayakaita kunokwikwidza mumutambo weCaf Confederations Cup nekuti ndicho chikwata chataive tanyoresa.

“Tainge tanyoresa Harare City FC sezvo iriyo yakahwina mukombe weChibuku Super asi yakazotizivisa pave paye kuti haisi kukwanisa kuzokwikwidza. Saka yakanzi ibhadhare mari iyi, asi imari shoma-shoma zvayo,” anodaro Gwesela.

Zvakadai, mukushi wemashoko weCity of Harare, Michael Chideme, anoti havasi kuziva nezvenyaya iyi uye vakamirira kuzoziviswa nezvayo kana paine zvirango zvavakatemerwa.

“Kutaura kuno hapana chatiri kuziva nezvenyaya iyi, ndambobvunza-bvunza kuti ndinzwisise asi hapana chandiri kuziva. Kana paine zvirango zvatakatemerwa takamirira kuzvizviviswa,” anodaro.

Achibvunzwa neKwayedza kuti kana zvirango izvi zvikatemerwa kuchikwata chavo zvinorevei, Chideme anoti, “Nyaya yacho tichaiongorora painouya, kwete iye zvino. Kana zvazosvika kwatiri ndipo patichatora matanho asi iye zvino hapana chati chauya kwatiri uye kana chatanzwa.”

Kutemerwa kweHarare City zvirango izvi neCAF zvinoreva kuti yatevera mumatsimba eHighlanders FC iyo yakambotemerwa zvirango zvekusakwikwidza mumutambo weCaf Champions League mugore ra2013.

Bosso yakange yanyoreswa neZifa kuti ndiyo ichakwikwidza mumutambo uyu zvisinei nekuti yaive  isina hurongwa hwekukwikwidza izvo zvakaita kuti itemerwe zvirango neCAF.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×