Nyakunzi imbavha ‘akasotwa’
MURUME wemubhuku raMatsvaire, kwaChivero, kuMhondoro ari kuona pfumvu zvichitevera kuzvimba kana kuti kufutunuka kunotyisa kuri kuita dumbu rake izvo zvisiri kurapika paine fungidziro yekuti akagadzirwa nemushonga
Zim iri pamberi mukusimudzira vanhukadzi
GURUKOTA rezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, Cde Oppah Muchinguri, vanoti panyika dzose dziri muAfrica, Zimbabwe yakaonekwa iri pamusoro munyaya dzekuderedza kufa kwevana vacheche munguva
Kukudza vabereki zvinorevei?
MUSI weSvondo, Chikumi 15 kune vamwe vakacherechedza zuva rinoyeukwa nokupembedzwa vana baba, reFather’s Day, vachiitirwa zvidavado nevana vavo. Mwedzi wapfuura musi waChivabvu 11 raivewo zuva raana
Kasvava kakaroverwa pasi
MWANA achiri kasvava kane mwedzi mumwe chete kaberekwa akapona nepaburi retsono svondo rapera apo akangoerekana abatwa nekumakumbo nemumwe munhukadzi anova hama yemhuri iyi ndokuroverwa pasi, kwete
Svikiro rakadyiwa nezvikara zvesango
CHITUNHA cherimwe svikiro kwaChundu, kuMashonaland West, chiri kunzi “chakamera makumbo” nguva pfupi yadarika apo chakadyiwa nezvikara zvesango kuChiwore Game Park, uko chainge chakasasikwa padara remiti
‘Hazvingoitika, ingozi iyi’
VANOTAURA vanoti zvakangooma uye hazvisi nyore kuti mukuwasha azviuraire pamusha patezvara vake sezvo izvi zvichiunza mweya wakaipa kumhuri iyi. Pachivanhu, zvinonzi mukuwasha akanozviuraira kumusha kwatezvara
Akadutira ‘wemakonzo’ kumusha kwatezvara
IMWE mhuri igere mubhuku raMbirimi, kwaDendera, kuHurungwe yakasara isina neremuromo apo mukuwasha wavo akaronga rwendo rwekubva kuHarare ndokunozviuraya nekunwa muchetura kumusha kwatezvara vake.
Roja rakarova pasi nerendi
MURUME wekunzi akatiza pamba paaigara asina kubhadhara mari yerendi achisiya mukadzi nevana vachidya nhoko dzezvironda, akazochiona apo akaendeswa kudare nemuridzi wemba uyo aida mari yake. Patricia Chifeya
Muroora 1: Tete 0: Mukadzi wehanzvanzi hutu nemurume watete
MUMWE mukuwasha naambuya vake vemubhuku raMurwira, kwaShe Nyamweda kuMhondoro, vanonzi vatadza kuremekedzana sezvinodiwa patsika dzechivanhu zvekusvika pakudanana izvo zvakatokonzera kuti mukuwasha
Oroverwa kuramba kudzokerana
MUKADZI wekugarozvindikitwa nekutukirirwa nemurume waari kuramba kudzokerana naye zvichitevera kurambana kwavakaita akazopotera kudare. Jane Maziso akamhan’arira Maxwell Tsapi kuHarare Civil Court achiti








