‘Varimi nyoresai mazita patsva’

HURUMENDE iri kukurudzira varimi veA1 neA2 avo vakapihwa minda pasi pechirongwa chekugovera ivhu kuruzhinji kuti vanyorese mazita avo patsva kubazi rinoona nezveminda nekugariswa kwevanhu mumaruwa

N’anga yoti varimi ngavakoshese ongororo yevhu

IMWE n’anga yekuMt Darwin inova hurudza inoti zvakakosha kuti varimi vakagadzirire zvose zvinodiwa mubasa ravo zvakaita sembeu, fetereza nemishonga yekufiritisa zvirimwa zvavo mwaka wezhizha usati watanga.

Chiredzi FC yakapisira: psl

SACHIGARO weCastle Lager Premier Soccer League, Kennedy Ndebele, anoti sangano ravo rakanyorera kuchikwata cheChiredzi FC kuti chibvise zvirango zvachakatemera kune aimbove murairidzi wacho Moses Chunga

Mabhunu ishasha

SHANGWITI yemujaho wemarathon iri kusimukira, Elijah Mabhunu, ndiye akahwina mubairo mukuru svondo radarika pamujaho weTanganda 21km half- marathon wakamhanyirwa kwaMutare.

Woods ari kungoda Open Championships

SHASHA yemutambo wegorofu, Tiger Woods, anoti chinangwa chake chimwe chete kuhwina kumakwikwi eOpen Championships ayo ari kuitwa svondo rino.

Harare yagadzirira kuenda kunaph

KWAINGE kusingadanwe anonzwa svondo radarika pachikoro cheAlfred Beit kuMarlborough muguta reHarare apo zvikwata zvisere zvemitambo yakasiyana zvaikwikwidzira chinzvimbo chekuenda kunomirira purovhinzi yeHarare

Division One Log Standings

P    W    D    L    F    A    Pts Gunners    15    10    4    1    20    6    34 Bindura United    15    10    3    2    15    6    33 FLAME LILLY    15    9    4    2  …

Akanyn’udzwa nemufakazi

MUKADZI wekuuya nemufakazi achida kuti apupure mari inowanikwa nemurume wake pamwedzi, uyo waakange adhonzera kudare nenyaya yemendenenzi, akagurwa kunorira apo akareverera murume wake. Leah Mupiri akamhan’arira Shephard Mupiri kuHarare Civil…

Vana vechikoro 30 vakasungirwa mbanje -Vakabatwa vaine chitsapo chizere

VANA 30 vepachikoro cheChikowore Secondary School, kwaShe Chivero kuMhondoro, svondo rapera vakasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuputa pamwe nekutengesa mbanje. Nyaya iyi yakaitika apo mukuru wechikoro ichi, uyo akangozivikanwa nezita

Akaroodza kamwana ne‘mascud ’ 4

VAMWE sekuru vanogara kumapurazi ari pakati peNorton nekwaZvimba vakaroodza kamuzukuru kavo kane makore 13 okuberekwa nedoro rema“scud” mana ayo vakapihwa nemumwe muzvinhabhizimisi wemunzvimbo iyi. Nyaya iyi yakaitika papurazi reDamex nepakomboni

×