Mukadzi wechimutsa mapfihwa oda twake

MUTYAIRI wemabhazi anoenda kunze kwenyika, wekuendeswa kudare nenyaya yemendenenzi akazonzi abhadhare US$60 yekuchengeta mwana wake.
Nyarai Gondo akaendesa aimbove murume wake, College Jazi, kuHarare Civil Court achiti haasi kuchengeta mwana wake.

“Baba ava havana shungu nemwana wandakaita navo asi vanotyaira mabhazi kuCitylink uye vane imba ine maroja kuTynwald South ichivapa US$400 pamwedzi. Saka US$100 yandiri kuda vanogona kuiwana. Ndinongoda kuti vazive kuti mwana anodawo kuchengetwa kwete kuti nditsvare nhoko dzezvironda ivo vari vapenyu,” akadaro Gondo.

Akaenderera mberi achiti: “Ndiri chimutsamapfihwa chasisi vangu vakashaya vachisiya vana vatatu, ini ndikaita mwana mumwe chete navo. Ndikavasiya nekuda kwehunhu hwavo, ndinogara ndichinetsana navo kuti vandipe mari yekuchengeta mwana asi havadi.”

Akati US$30 yakange ichida kubhadharwa naJazi ishoma.

Achipawo divi rake, Jazi akati Gondo munhu asinganzwisise nekuti kunyange akamuudza kuti haana mari kana kuti kubasa hazvisi kufamba zvakanaka haazvigamuchire.

“Mukadzi uyu haanzwisise, ndakamuudza kuti mazuva ano mabhazi haasi kufamba zvakanaka saka mari yacho hakuna. Asi iye anongonetsa chete, anoda mari yekuchengeta vana vake vaakaita tarambana. Mari yandataura ndiyo yandinogona kumupa,” akadaro Jazi.

Mutongi Gamuchirayi Siwardi akati Jazi aifanira kubvisa US$60 pamwedzi.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×