Zviri Mugapu: Mamwe mabikirwo ebhinzi

BHINZI rine kudya kunovaka muviri semapuroteni uye riri nyore kubika.

Musadzose mahwindi: PAZ

SANGANO rinomirira vanhu vanofamba nemabhazi eruzhinji nemichovha inosanganisira makombi, rePassengers Association of Zimbabwe (PAZ), rinoti kana makombi akapihwa mvumo yekuti achidzoka mumigwagwa, havadi kuona mahwindi sezvo achishungurudza vafambi zvikuru.

Zvikoro: Hurumende yopembedzwa

SANGANO reEducation Coalition of Zimbabwe (ECOZI) riri kupembedza matanho ari kutorwa nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari mukudzivirira vana pamwe nevarairidzi kudenda reCovid-19 zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro svondo rino.

Matanho ekudzivirira Covid osimbaradzwa

HURUMENDE inoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 uye vabati vezvemutemo vachaona kuti matanho aya atevedzerwa nemazvo.

MAONERO EDU: Dzingai nzara nePfumvudza

GADZIRIRO dzekurima dzemwaka wa2020-2021 dzave padanho repamusoro, zvikuru pasi pechirongwa chePfumvudza chekurima chibage nedzimwe mbesa icho chakaunzwa neHurumende.

Mudzimai bhiridha odashura murume

MUDZIMAI akaroorwa anogara kwaMambo Sigola, kuUmzingwane — uyo anoita basa rekuvaka — anonzi akarikita murume wake achimuranga kuti ainge amutadzisa kuonana nechikomba chake.

BEMBERA PADARE: Kutora zvevapfupi nekureba

KAZHINJI pamusha pakaita dambudziko, vanhu vanoita tsvagurudzo kuti vaone chapinda mumusha. Nedzimwe dzenguva, vamwe vanotsvaga tsikamutanda, mapororofita kana n’anga kuti vabatsirwe kuona pavasiri kuona nemaziso avo.

‘Musoro wemwana uri kun’anga’

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vasunga munhu wechipiri munyaya yekupondwa kwemwana wekwaMurehwa uyo anonzi ndiye akaendesa musoro wekamwana aka kun’anga kuti unoshandiswa mukuchekeresa zvemabhizimisi. Svondo rapera mapurisa vakazivisa…

Varwere 6 000 vapona

VANHU vanodarika 6 000 vapona kudenda reCovid-19 muZimbabwe kubva pakatanga chirwere ichi muno mumwedzi waKurume gore rino.

Covid-19, HIV nevechidiki

VECHIDIKI vanorarama nehutachiona hweHIV vanoti vari kusangana nematambudziko gumi nefararira munguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 izvo zvava kukonzera kuti vatadze kutora mishonga yavo yemaAnti-retroviral Drugs (ARVs) pamwe chete nenzira dzekurera mhuri nemazvo.

×