Matanho ekudzivirira Covid osimbaradzwa

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 uye vabati vezvemutemo vachaona kuti matanho aya atevedzerwa nemazvo.

Vachitaura kuvatori venhau muguta reHarare mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti veruzhinji havafanirwe kuvararirwa zvichitevera kunyevenyutswa kwechirongwa chekumisa kupararira kwechirwere ichi.

“Panyaya yekutevedzerwa kwemutemo, Cabinet inozivisa kuti zvichitevera kunyevenutswa kwechirongwa chekumisa kupararira kwechirwere ichi, vabati vezvemutemo vachange vachiona kuti matanho ekudzivirira Covid-19 atevedzerwa nemazvo ayo anosanganisira kusaita chitsoko-tsoko nekupfeka mamasiki nenzira kwayo,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vasavarairwe asi kuti varambe vachitevedzera matanho aya.”

Ongororo yakaitwa neKwayedza kunzvimbo dzinosanganisira Harare, Domboshava nekwaSeke inoratidza kuti vanhu vakawanda havachakoshese kupfeka mamasiki kana vachienda panzvimbo dzinoungana veruzhinji uye kusaita chitsoko-tsoko.

Pamusoro pezvo, zvisinei nekuti mutemo unorambidza veruzhinji kuti vafambe-fambe zvisina tsarukano kubva nenguva dza8 husiku kusvika 6 mangwani (curfew) uchiriko, kune vamwe vari kuonekwa vachiutyora zvakare.

Sen Mutsvangwa vanoti zvichitevera danho rekuti zvikoro zvivhurwe, Cabinet yakaona kuti kufambiswa kwemashoko maringe nezvinofanirwa kuitwa mukurwisa Covid-19 kwakaita kuti pave nehwaro hwakanaka hwekuongorora mamiriro anenge akaita zvinhu muzvikoro uye pachange paine nzvimbo dzinoita ongororo iyi.

“Nzvimbo idzi dzichabatsira mukuona kuti matanho ekumisa kupararira kweCovid-19 atevedzerwa uye nekukurudzira kuti pave nenharaunda yekudzidzira isina njodzi kuvana panyaya dzeutano. Chikoro chimwe nechimwe chine nzvimbo yachakabatanidzwa nacho,” vanodaro Sen Mutsvangwa. Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, Zimbabwe yanga yave nevanhu 7 837 vakawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa kubva pakatanga denda iri muno mumwedzi waKurume gore rino. Pavarwere ava, 6 122 vakatopona asi vamwe 228 vakafa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×